Mwana akanwiswa mapiritsi anodhaka

MUKOMANA wekuChitungwiza ane makore 18 ekuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu nedare reko mushure mekubatwa nemhosva yekupamba kakomana kane makore 12 pamwe chete nekukadhakisa nemapiritsi.

Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Court, Yeukai Chigodora, abvisira Blessing Musumbu gore rimwe chete pachirango ichi paine chitsidzo chekuti haafanire kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati adarika.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa26 Kurume munguva dzemanheru, kamwanakomana aka kakange kakagara pane imwe tuckshop apo Musumbu nemumwe anonzi Simon — uyo asati asungwa —– vakakatora ndokuenda nako kumba kwavo.

Vasvika kumba, Musumbu akatsimbirira makumbo emwana uyu apo Simon akanga akatsimbirira maoko. Masumbu akatora piritsi dema muhomwe yake iro akapinza mukanwa memwana uyu nechisimba achibva amumanikidzira kurimedza.

Mushure mezvo, vakaudza mwana uyu kuti asataurire baba vake nezvenyaya iyi ndokubva vamuti achienda zvake.

Muchuchisi Katonha anoti mushure memaminitsi mashoma, mwana uyu akaenda kunotamba nhabvu asi pasina nguva, akatanga kunzwa dzungu achibva aenda kunoudza vabereki vake mushure mekunge vamubvunza kuti chii chakanga chiri kuitika.

Vabereki vemwana uyu vakabva vanomhan’ara nyaya iyi kumapurisa izvo zvakaita kuti Musumbu asungwe.

Mwana uyu akaendeswa kuchipatara uko akanopihwa mubhedha achirapwa.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×