Mwana akanyikwa mumafuta aikwata

Trymore Muvhawa—

MURUME wekuendeswa kudare neaimbova mudzimai wake achida mvumo yekugara nevana vavo akatsika madziro achiti izvi hazvaiite sezvo mukadzi uyu akambonyika ruwoko rwemwana wavo mudiki mumafuta aaibikisa machipisi izvo zvakaita kuti atsve zvikuru.Lisa Samukange akange amhan’arira Gilbert Zuze kuHarare Civil Court achida kupihwa mvumo yekugara nevana vavo.

“Hazviiti kuti mukadzi uyu agare nevana nekuti imhondi chaiyo, anotoda kuvauraya.

“Fungai kuti mwana wedu mudiki ane gore nemwedzi mitanhatu yekuberekwa akamunyika ruwoko mumafuta aikwata ayo aaibikisa machipisi mushure mekunge mwana asveverera machipisi iwayo. Akabva amutora ruwoko ndokurwunyika mumafuta aikwata achiti ndokuti usiyane nemakaro,” akadaro Zuze.

Akati Samukange akarovawo mwanakomana wavo ane makore matatu okuberekwa kumusana akakuvara zvakaipisisa.

“Anozokwanisa kuchengeta vana nhasi sei iye aisindiramwira vana kana ava kuenda kunotengesa kumusika kwake?

“Mukadzi uyu haasi munhu akafanira kugara nevana. Asi kana muchida henyu kuti vakuvadzwe vana ivava.

“Nyaya iyi ndakaiendesa kumapurisa vakanditi ndiende kuSocial Welfare saka ndokwaichiri kutaura kuno,” akadaro Zuze.

Samukange akaudza dare kuti mwana wavo mudiki akatsva nemafuta mushure mekunge anyika ruwoko rwake oga mumafuta apo iye aibika machipisi.

“Zuze ari kunyepa, mwana uyu akatsva ndichibika machipisi. Akanyika ruwoko oga ini ndakatarira divi, ndakatozonzwa ava kuchema.

“Nyaya iripo ndeyekuti takagara tava kuda kusiyana nekuti rudo chairwo hapana pakati pedu. Saka tainetsana nekuti achagara nevana ndiyani. Izvi zvaari kuita inzira yekuti asabhadhare mendenenzi yandamuudza kuti ndichanotora gwaro racho. Asi ini saamai, ndinoda kugara nevana vangu,” akadaro Samukange.

Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vaende kuSocial Welfare vanotora gwaro rinoratidza mamiriro enyaya yavo, vozodzoka kudare apo nyaya yavo ichaenderera mberi nekutongwa.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *