‘Ndaisaziva kuti ndiyo cancer’

MUDZIMAI wekuWaterfalls, muHarare, ari kutsvaga rubatsiro rwemari inodarika $5 000 yekuti arapwe gomarara repazamu iro ramutambudza kwenguva refu.Mai Mwaonei Mupungi (46) avo vanogara panhamba 250 Church Hill Road, vanoti havachakwanisa kuita mabasa api zvawo nekuda kwedenda iri.

“Ndiri kuchema kuti ndibatsirwewo nemari yekurapwa gomarara iro rave nemakore manomwe richinditambudza. Handichakwanisa kushandisa ruwoko rwangu rwekurudyi nekuda kwegomarara iri. Madhokotera akati ndichishandisa ruwoko rwumwe chete rwekuruboshwe mukuita mabasa.

“Izvi zvave kuita kuti ndikundikane kuita mabhindauko anondibatsira, apa ndiri shirikadzi yakasiiwa iine vana vatatu, vamwe vachiri kuchikoro,” vanodaro Mai Mupungi.

Vanoti vana vavo vaviri vachiri kuenda kuchikoro – vanoti weForm 3 neari muGrade 6. Mhuri iyi iri kurarama nekupemha nekubatsirwawo nevane mwoyochena.

“Gomarara iri rakatanga mugore ra2009 apo ndaingonzwa kuti muzamu rangu mune bundu. Asi handina kuita shungu nazvo nekuti ndaisaziva kuti ndizvo zviratidzo zvegomarara.

“Ndakatozoziva kuti igomarara muna 2014 apo ndakaenda kuHarare Central Hospital ndikanovhenekwa ndokubva zamu rose rabviswa,” vanodaro.

Vanoti mumwedzi waNdira 2015, vakazoona nechepadivi pezamu ravakachekwa pave kuita maronda pachizvimba.

“Pandakanovhenekwa, ndakanzi ndinofanira kutora mishonga inokosha mari inodarika US$5 000 kuchizoti US$800 iri kudiwa kuti ndivhiiwe pamwe nema’drip’ mashanu andinofanira kuiswa panguva iyo ndinenge ndichipiswa maronda aya (radiotherapy).

“Panodiwa imwe US$78 pamwedzi mitanhatu yega-yega iyo ndinoenda kunovhenekwa kuti paonekwe kana gomarara iri risiri kuramba richipararira,” vanodaro Mai Mupungi.

Murume waMai Mupungi akashaya muna 2012.

Vangade kubatsira mudzimai uyu vanogona kumuridzira nhare panhamba dzinoti 0779764155 kana kumutumira mari neEcoCash panhamba idzodzi.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *