Mwana ane ‘mangoromera’ arova mumwe akafa nekuda kweUS$2

Tendai Gukutikwa

RIMA guru rakaburuka pachikoro cheMushunge High School, kwaMarange apo pakava nekunetsana nekuda kweUS$2 pakati pevadzidzi vaviri izvo zvakazoguma nekuti mwana weFomu 1 ange achirasikirwa neupenyu mushure mekunge arohwa nemumwe wake uyo anonzi ane mangoromera.

Mushakabvu Leonard Karimanzira wemubhuku rekwaMashoko ndiye akaurayiwa neshamwari yake inova inonzi yakatemerwa mushonga wemangoromera.

Vadzidzi nevashandi vepachikoro ichi vakavhiringwa zvakanyanya nekuda kwechiitiko ichi.

Sekuru VaLeonard, VaPharaoh Manjeese, vanoti muzukuru wavo aive nehushamwari kwakasimba nemukomana akazomuuraya uyu zvekuti munguva zhinji vaishandisa bhasikoro rimwe chete nekugoverana zvese zvavanenge vainazvo.

“Vana ava vaisasiyana, vaityaira mabhasikoro avo vese vachienda kuchikoro pamwe nekugoverana mbuva nezvimwe zvese zvavanenge vainazvo. Hakuna aimbozvifungira kuti pane agazouraya mumwe,” vanodaro VaManjese vachiratidza kushushikana.

Vanoti vakanzwa kuti pakaita gakava maringe nenhau yeUS$2 mushure mekunge mumwe wevana ava ashandisa US$2 ega.

“Takaudzwa kuti Leonard akabvunza shamwari yake chikonzero nei asina kugoverana naye mari iyoyo. Pakabva apaita gakava izvo zvakaita kuti mumwe uyu arove Leornard kamwe chete nembama. Pasina nguva, anonzi akabva amurova nechibhakera panzeve achibva adonhera pasi pakagadzirwa nesemende achibva angofa pakare,” vanodaro VaManjese vachitsinhira kuti dzaingove nharo dzaiitwa nepwere dzakaguma nekudeuka kweropa.

“Takanzwa pachitaura nezvemagoromera achiti akataurirwa nababa vake kuti kana uchinge warwa nemunhu unofanira kuzomudira mvura asi hakuna munhu anogona kutsinhira nezvenyaya iyi asi vamwe vana vechikoro ndivo vainge vachitsanangura. Zvisinei, tarasikirwa naLeornard uye tangomirira zvichabuda mushure meongororo,” vanodaro.

Mbuya vaLeornard, Maud Manjeese, vakachema zvikuru nekurwadziwa nefiro yemuzukuru wavo.

“Mwanasikana wangu akandifonera achindizivisa kuti Leonard ainge arohwa ari kuchikoro achibva afenda. Pandakanga ndava kuenda kukiriniki ndipo paakandifonera zvakare ave kuti anzi afa. Pandakasvika vakandiratidza mutumbi wake wainge wakafukidzwa nemachira.

Ndakafugura gumbeze racho ndikanzwa muviri wake uchidziya,” vanodaro Mbuya Majeese.

Vanoti vakazobvuma kuti ainge afa zvedi mushure mekuzoziviswa nanachiremba.

“Ndaitarisira kuti achadzoka kubva kuchikoro masikati asi ndakazodokerwa ndava kugadzirira zvenhamo,” vanodaro vachiedza kudzora misodzi yavo.

Zvakadaro, mhuri iyi yakamirira kudzoka kwemutumbi waLeonard uyo wakaendeswa kumochari yeHarare uko uri kutarisirwa kuvhenekwa nomusi wa23 Chikunguru kuti vazogadzirira kuuradzika.

Vanoti mhuri mbiri idzi dzinoramba dzakabatana zvisinei nenjodzi yakaitika iyi.

VaManjeese vanoti pane nhaurwa yakaitwa kwaMambo Marange pakati pemhuri mbiri idzi.

Mhuri ine mwana akapara mhosva yakabvuma kutevedza chivanhu chinofanira kuitwa mufi asati avigwa, panguva imwechete vachitevedza nyaya iyi kumatare edzimhosva.

“Takanzi tiripe nemombe nomwe, nhatu dzichienda kwaShe apo imwe chete ichizourayiwa panhamo. Mambo Marange vakati zvese izvi zvinofanira kuitwa mwana uyu asati avigwa,” vanodaro.

Zvisinei, nyaya iyi yakatopinda mudare reMutare Magistrates Court pamberi pemutongi VaPoterai Gwezhira avo vanove provincial magistrate mwana uyu achitongerwa mhosva yehumhondi.

Dare rakaziviswa kuti nyaya iyi yakaitika nomusi wa9 Chikunguru paMushunje High School apo vana vainge vari mukirasi yainge ine vadzidzi 42 vachifunda.

Vana ava vanonzi vakatanga kunetsana uye vakazoguma vave kurovana.

Zvinonzi mwana uyu akarova mumwe wake nembama kumeso izvo zvakaita kuti apunzikire patafura yemuchikoro mushure mezvo kwava kudonhera pasi.

Varairidzi vepachikoro ichi vanonzi vakaedza kumubatsira nekumuendesa kukiriniki asi vakasvikoziviswa kuti ainge atofa.

Nyakupomerwa kupara mhosva akanzi adzoke kudare nomusi wa23 Chikunguru.

Ari kutongwa achibva mumaoko evabereki vake asi uye akayambirwa kuti haafaniri kurovha kuuya kudare.

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×