Kingstone Mapupu
MHURI inogara mumusha weHighfield, muHarare, ine dambudziko guru remwana anoita tsvina nepadumbu nekuda kwenhengo yekuzvibatsira nayo yakavharika iyo inoda kuvhiiwa uko kuri kudiwa US$7 000.
Mai Faith Moyo (30) vanogara panhamba 830 Old Canaan, vane mwana mukomana ane gore nemwedzi mina uyo akaberekwa asina nzira yekuitisa nayo tsvina zvavanoti zvakazoita kuti aboorwe maburi maviri padumbu rake ekuzvibatsira nawo.
“Tine dambudziko guru remwana wangu Anashe Pfende wandakabereka asina nzira yekuitisa tsvina uye sikarudzi yake yakany’ura. Ndakamusunungukira paOld Highfield Poly Clinic ndokuenda naye kumba, pandakadzoka ku3 days ndipo pakasvikoonekwa kuti nzira yekuitisa nayo tsvina yakavharika.
“Ndakazoenda kuchipatara cheSally Mugabe Hospital uko mwana akanoiswa chubhu inoburitsa tsvina nepadumbu ndokuiswa maburi maviri ayo anoshandisa nanhasi,” vanodaro Mai Moyo.
Vanoti mwana uyu ari kuda kuti nzira chaiyo yekuitisa tsvina ivhurwe nemachiremba uye vaneta nekufamba kuzvipatara zvemuno vachinzi machiremba anoita izvi hakuna.
“Ndakaenda kuSt Alberts, kuHoward, kuKaranda, kuParirenyatwa nekumwe ndichinzi machiremba vanoita basa iri hakuna. Mwana uyu ndakamusununguka denda reCovid-19 richibva razongotangisa zvikabva zvaita kuti kurapwa kwake kuite dambudziko,” vanodaro Mai Moyo.
Vanoti vakataurirwa nenyanzvi dzezveutano kuti mwana uyu anofanirwa kuvhurwa nzira yake yekuzvibatsira nayo asati asvika makore maviri okuberekwa ayo angosarirwa nemwedzi mitanhatu chete kuti akwane.
“Izvozvi mwana uyu anoda mishonga yakawanda iyo yandinonzi kuzvipatara hakuna ndichinzi tengai kumachemistry asi mari yacho ndisina. Anochema zvikuru pakuita tsvina nepadumbu uyewo anonzi adye kudya kunopindirana nechirwere ichi uko tisina sezvo murume wangu asingasevenze.”
Mai Moyo vanoti kumachiremba akazvimirira uko vari kuenda kuri kudiwa US$7 000 iyo vasingakwanise kuwana zvachose.
“Nekuda kweCovid-19, hakuna kuchipatara kwandiri kuwana rubatsiro rwemwana uyu, ndatambudzika. Murume wangu Chamunorwa Pfende (37) haashande asi anongoitawo ma’piece jobs’. Tinokumbirawo kuti tibatsirwe nemari nezvekudya kunyangwe mbatya dzemwana nemagumbeze hatina,” vanodaro Mai Moyo.
Vanoti vakambokumbira kune imwe mhuri inogara kuSouth Africa kuti vabatsirwe pahurwere hwemwana uyu asi hazvina kuzobudirira.
“Mhuri iyi yakaona dambudziko remwana wangu achangozvarwa uye vakange vavimbisa kuti vachaita kuti tigoenda ikoko kuSouth Africa kuti anorapwa, zvino kubva pakazouya Covid-19, vanhu vachibva vanzi havachabvumidzwa kufamba saka hapana chakazobuda,” vanodaro.
Mai Moyo vanoti maburi ari padumbu pemwana wavo anobuda netsvina ari kuita hurwa nekuda kwekuwora sezvo vasina mishonga yekuagezesa inodiwa.
“Nzvimbo inobuda netsvina iyi ine mhando yemafuta anodiwa ayo tisina zvinoita kuti maronda aya agare akaomarara. Muviri wemwana hausisina kusimba nekuda kwekushaya chikafu chinovaka muviri. Izvozvi nguva yekuti chubhu ibviswe yadarikidza asi dambudziko riripo hatina mari,” vanodaro Mai Moyo.



