Kudzivirira Covid pazvibhorani

Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero yekuwaniswa kwemvura yakachena uye iri pedyo nevanhu, reCommunity Water Alliance (CWA), riri kukurudzira nhengo dzemakomiti dzakasarudzwa kuti dzinge dzichimirira kuona mashandisirwo akanaka anoitwa zvibhorani (water point committees) kunzvimbo dzakasiyana dzenyika kuti vabatsire mukudzivirira kupararira kweCovid-19.

Muhurukuro neKwayedza, VaHardlife Mudzingwa, avo vanova mukuru weCWA, vanoti mvura yakakosha zvikuru muupenyu hwevanhu.

“Tiri kukurudzira vemakomiti vanoona nezvezvibhorani kuti vakurudzire vanhu kupfekwa kwemamasiki, kugeza mawoko nekuregedza kuungana. Vanhu kana vachifundiswa havatukwe asi vanoudzwa nenzira yakanaka kuti vakwanise kuzofundisawo vamwe. Tinokurudzira zvekare kuti vashande pamwe nemakanzuru, mapurisa kana zvimwe zvikamu zvinoona nezveutano kuti basa riendeke,” vanodaro.

VaMudzingwa vanoti zvakakosha kuti makomiti anoona nezvemvura avewo nemagwaro anobva kuvakuru vemumatunhu avanoshandira semaDistrict Officer kuitira kuti vasazopokana nemutemo uye kuti zvibhorani zvose zvinge zvichishanda kubva na6 mangwani kusvika 6 zuva rodoka sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa Covid-19.

“Sesangano, tinokurudzira zvekare kuti kuve nezvibhorani zvinoshandisa simba rinobva muzuva kuitira kuti tideredze nyaya dzekushandiswa kwezvibhorani zvinoitwa zvekudhaiwa nemawoko izvo zvinopa mikana yekupararira kwechirwere cheCovid-19 sezvo zvichibatwa nemunhu wose,” vanodaro.

Munguva pfupi yadarika, sangano reCWA rakaita zvirongwa zvakasiyana munzvimbo yeChitungwiza neHarare pasi pedingindira rinoti, “Hurukuro Patsime/Ingxoxo Emthonjeni” vachifundisa veruzhinji maringe nenzira dzekurwisa mhirizhonga pazvibhorani nekudzivirira chirwere cheCovid-19, pakati pezvimwe.

Ongororo yakaitwa neKwayedza munzvimbo yeChitungwiza inoratidza kuti vanhu vachiri kungosvibirwa vari pazvibhorani uye vazhinji vavo vanenge vasina kupfeka mamasiki.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×