Mwana anorova amai

Muchaneta Chimuka
MWANAKOMANA wekutyora mutongo waakatemerwa nedare wekuti achengetedze runyararo pakati pake naamai vake ava kuzvidemba zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kuti anopika jeri kwemwedzi misere.

Mildred Jonga (50) wepanhamba 961/2 Unit G, kuChitungwiza, akamhan’arira Andrew Tinotenda Jonga (21) uyo anova mwana wababamudiki vake kudare reChitungwiza Magistrate’s Courts achimupomera kutadza kuchengetedza runyararo pakati pavo semutongo wakange watemwa nedare kare.

Mutongi Tendai Mutamba akamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi misere achipa zvikonzero zvekuti munhu asingagadzirike zvisinei nekuti akamboendeswa kudare akapihwa magwaro ekuti achengetedze runyararo.

Muchuchisi Farai Katonha akaudza dare kuti nomusi wa5 Chikunguru munguva dzemasikati, Andrew akatyora chirango chekuchengetedza runyararo pakati pake naamai vake icho akatemerwa nedare rimwe chete iri mugore ra2017 apo akanzi asafurufushe mumhan’ari zvinova zviri mugwaro rine nhamba dzinoti PR 278/17.

Andrew akashungurudza amai vake kuburikidza nekungoreva mari kwavari zvisina tsarukano uye nenzira isina ruremekedzo.

Akapara mhosva iyi pamberi pevafakazi vanoti Martin Munaku naCathrine Pamhidza.

“Andrew akauya achireva mari nenzira isina ruremekedzo izvo zvakaita kuti Mildred anomuvhurisira dhoketi,” anodaro muchuchisi Katonha.

Zvisinei nekuti Andrew anoramba mhosva iyi achiti amai vake ava vane donzvo rekuti abve pamba adzokere kwaaigara, dare rakamubata nemhosva.

Akatongwa pasi pechikamu chemutemo weSection 10(7) of the Code Contempt of Court Chapter 9:23.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *