Kingstone Mapupu
MWANAKOMANA ane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa, Given Magurira, anonzi akangoshaikwa apo aitamba pachivanze chevabereki vake kwaSabhuku Chinobva kudunhu raMambo Mukanganwi, kuBikita.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kuMasvingo, Assistant Inspector Masauso Patinyu, vanoti vari kukumbira veruzhinji vane ruzivo nekune mwana uyu kuti vataurire mapurisa ari padyo navo.
“Semapurisa, tiri kutsvaga mwanakomana Given Magurira ane gore nemwedzi mipfumbamwe yekuberekwa. Akagumisira kuonekwa pamba pavo nemusi wa8 Kurume gore rino achitamba pachivanze chepamba chevabereki vake ndokushaikwa zvachose,” vanodaro Asst Insp Patinyu.
Mwana uyu anonzi mushava aine muviri uri pakati nepakati.
“Nemusi wakashaikwa mwana uyu, anonzi aiva akapfeka chikabudura chenavy blue chine mitsetse yegreen net-shirt chena, jaketi reblue nebhutsu dzebrown,” vanodaro Asst Insp Patinyu.
Vanokumbira kune veruzhinji vangangodaro vaine mashoko angabatsire kuti mwana uyu awanikwe kuti vataurire mapurisa ari padyo.
Veruzhinji vanogona zvakare kuzivisa Officer In-Charge ZRP Bikita Chief Inspector Morgan Chatikobo panhamba dzinoti 0772 549 755 kana pa0719 386 713 uye kana kutaura naInvestigating Officer (IO) Sergeant Tatenda Mudzimeli panhamba dzinoti 0774 112 555.
Munyaya iyi pane fungidziro huru yekuti mwana uyu anogona kunge akaitwa zvekubiwa nevanhu vane zvinangwa zvakaipa.
“Mapurisa vachifeya nyaya iyi, vari kutarisa zvinhu zvakawanda zvinosanganisira kubiwa kwemwana uyu. Zvakadaro, tinovimba kuti mwana uyu achawanikwa ari mupenyu,” vanodaro Asst Insp Patinyu.
Vanoti vari kushushikana zvikuru nekushaikwa kuri kuitwa vanhu, zvikuru vana, kudunhu ravo reMasvingo avo vasiri kuzoonekwa zvakare.
Asst Insp Patinyu vanokurudzira vabereki nevamwe vanogara nevana kuti vagare vachiona nzvimbo dzavanotambira nguva dzose.




