PANE tsumo yechiRungu inoti: — “Trapped in the house you set on fire” — zvichireva kuti munhu unoitwa muranda netsoro yawakada kutamba wega, kana kungoti unovharirwa mumba yaunenge watungidza moto wega, uchiita kunge usingazivi kuti moto unoparadza. Painenge yave kubvira, pokubuda napo panenge pasisina.
Tsumo iyi ndaona ichikwana zvikuru pahunhu namaitiro omutungamiri weMovement for Democratic Change (MDC-T), VaMorgan Tsvangirai.
Kubva pavakapinda munhandare yenyaya dzezvamatongerwo enyika, VaTsvangirai vakatungidza imba yavaida kutonga.
Vakatungidza imba iyi vachifunga kuti kuti vave mutungamiri weZimbabwe, vanosungirwa kuita zvomutsimba, vachiratidzira nokuita mhirizhonga.
Pazvakamboita kunge zviri kuvashandira, vakabva vangosungwa nepfungwa imwe chete iyoyo yokuti kana zvaipa, vanodaidza vateveri vavo, vopinda mumigwagwa vachiratidzira zvine mhere-mhere.
Masvondo ashoma apfuura, takavaona vachikwidza nokudzika, pfungwa yakavabata iri yokutsvaga zvavanofunga kuti zviri kutadzwa nebato riri kutonga reZanu-PF.
Havana zvitsva kubva mugore rakavambwa MDC muna 1999, kunze kwokuti President Mugabe neZanu-PF vanokwanisa kubviswa chete kana ivo varatidzira. Zvose zvavanozotaura munguva dzesarudzo, makumbo enyoka.
Kana bato richitonga, rinotonga vanhu vemapato anopikisa chete here, kana kuti munhu wose?
Kana ukatevedza zviri munhau – kusanganisira zvamazuvano zvesocial media – unoona kuti VaTsvangirai vari kufunga kuti zvavepo zvino zvikonzero zvinopa mukana wokuratidzira.
Chinhu chinonzi mari, mari, mari chashungurudza VaTsvangirai musoro nokuti vave kunzi vari kuronga kuratidzirira zvine mutsindo, zvirongwa zvakataurwa naGovernor veReserve Bank of Zimbabwe Dr John Mangudya kuti Hurumende yaona zvakakodzera kuunza mari yavanoti ma”bond notes”, mumwedzi mishoma iri kutevera. Hongu, pane mifungo yakasiyana pamusoro pekunzwisisa nokusanzwisisa kuti chii chinonzi ma”bond notes”, uyewo kuti kana akauya, achavandudza mabasa oupfumi zvakadii. Asi pane vamwe vabva vati amai vachangobata pamuviri, votaura kuti mwana achazvarwa achave mbavha, pfambi kana benzi.
Vamwewo kungonakidzwa nokutaura, kunge vanhu vanosangana nebhazi riri kubva kwariri kubva, vokwira, vasingazivi kuti rakananga kupi. Vaona kuti vabondera voburuka vasati vasvika.
Mukwende paakaona bepanhau reNewsday richiti “Tsvangirai plots bond notes riots”, akabva ati zvatanga. Kwavari kuronga kuratidzira kuri pachena, kunenge kuine mhirizhonga. Ukafunga zva1998 nemamwe makore anotevera, mubvunzo mukuru ndewokuti kuchazove riini patichakura, toonesana nokupana mazano zvisina kudyungana muziso?
Zvavakapwanya makore apfuura zvakavakwa nani, asi kubva ipapo kusvika muna 2016, VaTsvangirai vanofunga kuti kutungamira nyika kunofanirwa kuitwa zvomutsimba?
Kuparadzwa kwaitwa nyika dzakaita seIraq, Syria, Libya neAfghanistan, ndizvo zvavanodawo kuti zviitike muno here?
Tobvunzawo VaTsvangirai kuti, vanhu vamunoti munomiririra vakapedzerwa mari dzechenji muzvitoro vachipihwa zvihwitsi, machisi notumwe twunhu twusina maturo. Zvitoro zvakapfuma nechenji yavanhu, asi hatina musi watakanzwa VaTsvangirai vachisimudza musoro kudzivirira kodzero dzavanhu.
Hurumende yakazounza ma”bond coins” kuti nyaya dzechenji dzireruke. Mazuva okutanga vanhu vakamboramba ma”bond coins” vachiti vanoda maRand. Asi vakachenjera, vakanzwa tsananguro yohuremu hwe”bond coin” neUS$ nepapa, uyewo neSouth African Rand, vakazoona kuti kuramba bond coin kuzviuraira bhizinesi.
Takazoona vose vairamba — kunyanya kumakombi nepamusika — vave kutoramba mari yokuSouth Africa. Ko, azokuudzai kuti zvine musiyano ndiani, iro bond note richinzi rinenge rakangosimba sedhora rokuAmerica? Haungati ndinoda mari yemasenzi yokuAmerica, asi uchiramba yepepa racho? Samhu dzenyu dzakavhiringika!
Kutsvaga mbiri yechitsiga here, kana kuti makapihwa manyuku-nyuku nemumiriri weUnited States of America Ambassador Harry K. Thomas (Jr) avo vamakaonana navo mazuva achangopera aya?
Kana zviri izvozvo, mahumbwe esarudzo atiri kuona kuAmerica angape munhu wokuAmerica mukana upi wokuita chipangamazano, kana kuti mutongi gava muZimbabwe, kana kupi zvako?
Ko kumbofungawo zvinovaka nokusimudzira upenyu hwavanhu?




