Mwana obatsirwa naProphet Java

Kingstone Mapupu

PROPHET Passion Java vechechi yePassion Java Ministries and Kingdom Embassy Church vanovimbisa kubatsira mwanasikana wekuGweru uyo ane dambudziko rekuzvimba dumbu uye ari kutsvaka rubatsiro rwemari yekuti anovhiiwa kunyika yeIndia.

Izvi zvinotevera kubuda kwakaita nyaya yaParsley Sithole (11) muKwayedza nguva pfupi yadarika apo amai vake nevepachikoro chaanodzidza vaitsvaga rubatsiro rwemari iri pakati peUS$15 000 kusvika US$20 000 yekuti anovhiiwa mwoyo nemachiremba ekuIndia.

Mwana uyu, uyo ange achifanirwa kuenda Grade 4 asi akamira chikoro nekuda kwedambudziko iri, asarirwa naamai chete zvichitevera kushaya kwababa vake mutsaona yemumugwagwa.
Amai vemwana uyu, Mai Abigail Sibanda, havashandi.

Parsley Sithole

Mushure mekunge Kwayedza yaburitsa nyaya yemwana uyu, vaverengi vakawanda vakakumbira paFacebook nepaTwitter yebepanhau iri kuti vanhu vanokwanisa vabatsire.

Vaimwe vakadoma Prophet Java vachiti vanokwanisa kupa ruyamuro urwu.
Prophet Java vanoti vakazvipira kubatsira mwana uyu.

“Dambudziko remwana uyu ndakaziva nezvaro kuburikidza nemadande-mutande akasiyana uye nebepanhau reKwayedza. Harisi dambudziko, regai tironge tibatsire mwana uyu anovhiiwa adzokere kuchikoro nevamwe,” vanodaro Prophet Java.

Zvichakadai, Prophet Java vanoti vari kubatsira vechidiki vakawanda munyika kuti vasiyane nekutora zvinodhaka.

“Tiri kubatsira sechechi uyewo saProphet Passion Java Twabamu kuti vechidiki vawane zvekuita mumabasa emaoko vasiyane nezvinodhaka. Tiri kutenderera kuMbare nekumwe kunosanganisira Chitungwiza, Glen Norah, Highfield, Glen View, Mufakose, Epworth neMabvuku,” vanodaro Prophet Java.

 

Related Posts

Makore mashanu mujeri nemhosva yokuba akapakata zvombo

Getrude Manyande MURUME ane makore 54 okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu azere nemhosva yokuba akapakata zvombo pane imwe imba murukisheni rweMbundane, apo chirangio chakapiwa mwanakomana wake pamhosva yekugamuchira…

Dambudziko rekuitira tsvina pose-pose rakura muguta reHarare

Muchaneta Chimuka KANZURU yeHarare yoshorwa zvikuru panhau yekusiya vashandi vayo vachibhadharisa voruzhinji US50 cents pamunhu kuti ange achipinda muchimbuzi zvisinei nokuti nzvimbo idzi dzinofanira kunge dzichishandiswa pachena. Izvi zviri kuita…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×