Mwana oda mendenenzi kuna baba

Nyasha Chabvonga
MWANAKOMANA akaendesa baba vake kudare achida kuti vawedzere mari yavari kumubhadharira yemendenenzi mushure mekunge atadza kunyora bvunzo dzeZimbabwe School Examinations Council dzeForm 6 nekuda kwekushaya mari.

Rodgers Mahachi akamhan’arira baba vake, Lovemore Mahachi, kuHarare Civil Court achiti mari yake yechikoro haisi kukwana.

“Ndinokumbirawo mundiwedzere mari kusvika pa$150, $80 yamuri kubvisa haisi kukwana. Ndakatotadza kunyora bvunzo dzeForm 6 nekuti ndakatadza kuregister. Munozviziva wani kuti ndine shungu nechikoro,” akadaro Rodgers.

Lovemore akaramba chikumbiro ichi achiti haana mari sezvo aine vamwe vana vatatu vaari kuchengeta.

“Handina mari yandinokuwedzera. Unozviziva kuti ndine vamwe vana vachiri kuenda kuchikoro sewe. Ndaitofunga kuti ukapedza uchandibatsira kuriritira vamwe vako iwe ndipo pauri kuda kuwedzerwa mari, unoti ndinoiwanepi?” akadaro Lovemore.

Akati akaenda kuchikoro kwaRodgers ndokuudzwa kuti akange asiri kuuya kuzodzidza nezvikonzero zvisingazivikanwe.

“Ndakaenda kuchikoro kwako ndikataura nemukuru wepo akati wakapedzisira kuenda kuchikoro kare uye une zvikwereti kufizi, kuZimsec vakati hakuna zita rako rinoratidza kuti wakanyoresa kunyora bvunzo. Mari yawaitambira kubva kwandiri wakaiisepi? Amai vako havana kumbobvira vataura kuti mari haisi kukwana wani?” akadaro Lovemore.

Rodgers akagama baba vake achiti: “Munoti $80 yamunondipa inokwana chii? Pandinoitora kubhanga inobuda yave $70 apa munozviziva kuti ndinoenda kuchikoro nekombi ndinoshandisa $50, $20 ndiyo yandinoita yechikafu asi hachitokwani. Saka munoti fizi ndinobhadhara nei makazvitarisawo?” akadaro Rodgers.

Mutongi Barbra Mateko akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka zvakare mudare.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×