‘Ndinovimbiswa rufu nemukadzi’

Nyasha Chabvonga
MURUME wekutya “kutsakatikiswa” nemukadzi wake akapotera kudare achiti ave kugara akabatira moyo wake mumawoko.

Kudakwashe Mawaza akamhan’arira Ruth Bhebhe kuHarare Civil Court achiti anogara achimuvimbisa rufu.

“Mukadzi uyu hapana chandiri kuda kwaari asi kuti aregedze kusvika ku’car wash’ nokuti kana akauya kubasa anotora mari yose pamwe nekuuya achitakurwa nezvikomba zvake ini ndisipo. Ndinoda kuti agare kumba asauye kubasa.

“Kana zvakakwidza unondituka nekundiudza kuti une vanhu vako vanogona kundinyangarikisa. Ndava kutotyira upenyu hwangu nokuti wakambondiunzira vamwe vanhu uchiti mapurisa tanetsana,” akadaro Mawaza.

Bhebhe akapokana nemashoko aya achiti murume wake ndiye akatiza kumba saka paanoenda kubasa kwake anenge achida mari yekuriritira vana.

“VaMawaza vakatiza pamba, vave nemwedzi miviri vaenda kunogara neshamwarikadzi yavo. Kubasa kwavo ndinosvika ndichida mari yechikafu chevana.

“Zvose zvavataura kuti ndinovatyisidzira kunyepa, ivo ndivo vanondirova. Vakandidzinga pamba vachikanda nhumbi panze kutaura kudai. Ndine chikumbiro changamire, kuti vandipe magwaro evana ekuzvarwa nemakadhi ekukiriniki avakatora,” akadaro Bhebhe.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa Mawaza gwaro redziviriro akati vaviri ava vagarisane zvakanaka sezvo vaine vana pamwe nekuti Mawaza adzosere magwaro ekuzvarwa evana neekuchipatara kumukadzi wake.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×