‘Mwana wangu uri musatanist’

Yvonne Manyanja
MWANASIKANA wekunzi muSatanist anotandanisa amai vake nebanga achida kuvabaya nekugara achivarova — uyo anonzi zvakare akambonwa mushonga wekubvisa mimba yaaiva nayo — akazomiswa mudare redzimhosva.

Stella Lindo akaendesa Rudo Lindo kuHarare Civil Court achiti aoneswa nhamo nemwanasikana wake uyu.

Stella akaudza mutongi wedare iri Marehwanazvo Gofa kuti: “Changamire, ndinokumbirawo kudzivirirwa kubva kumwana uyu. Akanditandanisa nebanga ndakashaya kuti ndatadzei ini amai vekumubereka. Dai aienda kuchechi pamwe aisunungurwa naMwari asi haadi, kunyangwe ndikaedza zvakadii.

“Nyaya yakatanga pandakati andibatsire kutenga chikafu chekudya mumba pamwe nekubhadhara mitero yemba nemagetsi iye ndokuramba. Saka handichakwanise kugara naye, kunyangwe ari mwana wangu handichamudi pamba pangu. Kana parufu pangu asasvika zvake nekuti zvinhu hazvinganake.”

Stella akaenderera mberi achiti Rudo akambonwa mushonga wekubvisa mimba iyo aiva nayo.

“Handisati ndakamboona munhu asina moyo netsitsi zvekusvika pakuuraya mwana ari mudumbu asina kana chipomerwa. Munhu akadaro ndingagare naye ndikararama here? Saka asasvika kunyangwe panoitwa mhemberero nekuti anogona kungoshereketera vanhu vanenge varipo,” akadaro Stella.

Rudo akapikisana naamai vake achiti vakamuvenga uye vanofamba vachiudza vanhu kuti muSatanist.

“Nyaya yakatanga mushure mekunge musikana wataigara naye pamwe naamai vangu ava akaenda kun’anga akadzoka achiudza amai kuti ndaive muSatanist. Amai vakandivenga vachiti vave kutya kuisirwa ropa mumvura yemuteuro.

“Vakaenderera mberi vachiti ndairara nababa vangu nekuti ndaivafarira kudarika ivo. Pandakavabvakachira vakati musoro wavo wainge wotema pamusaka pekuti ndainge ndasvika,” akadaro Rudo.

Stella akamugamha achiti: “Mwana iwe unomboziva kuti ndiri mutorwa here? Hondo yamakatanga muchaigona here?”

Mutongi Gofa akapa Stella gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *