GRADE 7: Mazita ehama

Ticha Danga
MUGORE rega-rega pabvunzo dzegore rechinomwe panouya mibvunzo inobata hukama pakati pevanhu. Nyaya iyoyi yehukama inotadzikwa neruzhinji, chero nevamwe vati kurei. Zvinoda kuti tinyatsobata tigonzwisisisa nyaya iyoyi kubvira kune zvatinoziva nekunzwa mazuva ose kusvika kune zvatisinganzwisise.

Baba ndivo munhurume akakubereka. Babamukuru ndivo mukoma wababa vako. Vamwewo vanokwanisa kuti babamukuru kumurume wehanzvadzi yababa vavo vanova tete vavo.

Babaminini munin’na wababa vako. Mukadzi wemukoma wako anogona zvakare kukudaidza kuti babamunini. Kana vanhu vakapfimbana uye vari mukati merudo vanodaidzana kuti hwanzvo zvichireva kuti mudiwa wako.

Amai vemurume wemukadzi akaroorwa vanonzi mezvara kana kuti vamwene. Iye mudzimai ndiye mukadzi akaroorwa. Mukadzi zvinoreva munhukadzi wose-wose zvake. Mukadzi iroro rinoshanda zvakare kudaidza mudzimai akaroorwa.

Mukadzinyina zvinoreva mumwe mukadzi akaroorwa pamurume mumwe chete nemumwewo mukadzi. Mukwasha ndiye mukwambo zvichireva murume wemwanasikana wako.

Mukuwasha zvakare izwi rinoreva murume wehanzvadzi kana tete vako ndokunge iwe uri murume. Mukwashanyina ndiye murume akaroora mumba mawakaroora iwe.

Munyai ndiye samutume, samukuru kana kuti dombo. Munyai munhu uya anotumwa nepfuma yekuroora nayo. Gwevedzi ndiye anoenda kunopfimbira munhu musikana.

Mukoma munhu mukuru kwauri mumhuri menyu, ndokunga iwe uri mukomanawo.

Mukoma rinoshandiswa kunongedza musikana wose mukuru kwauri mumhuri yenyu, ndokunge iwe uri musikanawo. Kana kuri kuManyika mukoma zvinoreva mukomana wose mukuru kwauri zvisinei kuti uri musikana kana mukomana.

Mukorore kana kuti murumbwana zvinoreva mwanakomana.

Mukurungai zvinoreva amai kana baba vemuroora wako. Mukurungai zvakare zvinodudza amai kana baba vemukuwasha.

Sahwira ndiyo shamwari huru yemhuri.

Samukadzi kana kuti tete ndiyo hanzvadzi yababa. Kana kuri kuManyika samukadzi ihanzvadzisikana. Sarapavana ndiye munhu anofanobata ushe kana mambo achinge afa kusvikira mumwe azogadzwa. Sarapavana zvinonongedza zvakare munhu anosara achichengeta mhuri nepfuma yemufi.

Taita kana kuti urwani zvinoreva mukuru kwauri mumhuri menyu kana mese muri vasikana. Sezvara ndivo tezvara. Ndivo baba vemukadzi wawakaroora vose nehanzvadzi dzake nana babamunini vake.

Tsano ihanzvadzi yomukadzi wako.

Mwanasikana wemunhu anonzi muzvare, mukunda kana kuti VaMoyo. Vamwene kana kuti mazvarira ndivo amai vemurume wako zvose nevakoma vavo nevanun’una vavo ndokunge iwe uri muroorwi.

Muzukuru anobatwa pakawanda pahukama hwedu. Muzukuru mwana wemwana wako. Anogona zvakare kuita mwana wehanzvadzi yako. Anouya zvakare ari mwana watete vako, ndokunge iwe uri mukomana.

Zvimwe zvinoenderana nehukama zvinogona kuzongoti siyanei zvishoma zvichienderana namazita anoshandiswa namarudzi akasiyana.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *