Mwana wechikoro akabaya mumwe nebanga

Danisa Masuku

MWANA wechikoro ari kuita Fomu 4 paLobengula High School, kuBulawayo, svondo rapera akabaya mumwe mwana waanodzidza naye nebanga pabendekete achimupomera mhosva yekuti anogara achiita zvejee naye apo vanenge vari mukirasi izvo anoti zvinomudzikisira pane vamwe.

Mumwe murairidzi wepachikoro ichi uyo ari kuziva nezvenyaya iyi, uye akakumbirisa kuti zita rake risaburitswe nekuda kwemutemo webasa rake, anoti chiitiko ichi chakatora maminitsi anosvika gumi apo vaviri ava vaive kunze kwechivanze chechikoro nemumwe wavo.

Zvinonzi apo Mike Siziba (16) naSimbarashe Manjokota waanofunda naye vakange vave chinhambwe vabva pachikoro ichi vachienda kumba, mumwe wavanodzidza naye Keith Mlauzi (17) akasvika pavari achifemuruka nehasha.

“Akatanga kupomera Mike kuti anoita zvejee naye vari mukirasi izvo aiti zvinomudzikisira. Mamiriro ezvinhu akange asina kunaka apo Keith akatanga kudhonza-dhonza Mike,” anodaro mudzidzisi uyu.
Anoti Keith akabva aburitsa banga remhando yeOkapi kubva muhomwe yake, ndokubaya naro Mike pabendekete.

“Akasiya banga iri rakabaya pabendekete apa achibva atiza. Mumwe murairidzi akazosvika panzvimbo iyi achibva azama kumubatsira ndokuchaira nhare amburenzi iyo yakasvika mushure memaminitsi 30. Mwana uyu akabva atakurwa kuendesa kuchipatara cheMpilo Central Hospital uko akanorapwa,” anodaro ticha uyu.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reBulawayo, Inspector Abednico Ncube, vanotsinhira nyaya iyi.

“Takasunga mudzidzi ane makore 17 okuberekwa nemhosva yekubaya nebanga mumwe waanodzidza naye achimupomera kuti aiita zvejee naye. Tinoshora zvikuru maitiro akadai uye tinoda kuyambira vadzidzi vanoda kufurufusha vamwe kuti vanorangwa nemutemo.”

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×