Mwana wegomarara akashaya

Kingstone Mapupu

MWANA wekuBudiriro, muHarare — wekubuda muKwayedza nguva pfupi yadarika achitsvagirwa rubatsiro rwemari yekuti anorapwa gomarara raimuzvimbisa musoro nekumeso — anonzi akazoshaya.

Patience Chiota — uyo aiva nemakore mashanu nechidimbu ekuberekwa — ange achichengetwa naambuya vake uye anonzi akashaya nemusi wa3 Zvita apo airapwa muchipatara chekuKadoma.

Nyaya yemwana uyu yakabuda mupepanhau rino apo vemhuri yake vaitsvaga US$10 000 yekuti aende kunorapwa kunze kwenyika.

Pakazoshaya Patience, vemhuri yake vanoti mari yaidiwa kuti aendeswe kunze kwenyika yange isati yakwana apo vaingotenderera muzvipatara zvemuno.

Mai Maria Tipisa (42), vanova ambuya vemwana uyu, vakazivisa Kwayedza kuti Patience akashaika.

“Mwana uye, Patience Chiota, akazoshaika nemusi wa3 mwedzi uno apo takanga taenda naye kuchipatara cheKadoma General Hospital uko akanoshaikira.

Taingoedzawo kuti dzimwe nguva Mwari vaigona kutinzwa asi zvakaramba.

“Ndinotenda zvikuru vanhu vange vatanga kutipa mari kubva pamakaburitsa nyaya iyi zvisinei nekuti yanga isati yakwana kuti tibude nemwana kunze, asi tinozvitenda,” vanodaro Mai Tipisa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *