Mwana wekupondwa: Zvabuda muongororo

Kingstone Mapupu

GWETA riri kumirira mhuri yekwaMakore yekwaMurehwa — iyo ine mwanakomana wekupondwa, mutumbi wake ndokubviswa musoro, maoko nemakumbo — rinoti ongororo yeDNA yakaitwa makumbo nechanza izvo zvakawanikwa kunzvimbo dzakasiyana inoratidza kuti mitezo iyi ndeyemwana uyu.

Tapiwa Makore (Jnr) akapondwa muna Nyamavhuvhu uye musoro nemaoko ake hazvisati zvawanikwa.

Pane vanhu vane chitsama, kusanganisira vemhuri yekwaMakore, vakatosungwa nekuda kwenyaya iyi.

Tabitha Chikeya — uyo anova gweta remhuri yekwaMakore — anozivisa Kwayedza kuti kuongororwa kwemakumbo nechanza zvakawanikwa mukuferefetwa kwenyaya iyi kwakapera uye zvakaonekwa zviri zvaTapiwa Makore (Jnr).

“Mutumbi uyu wakawanikwa uri waTapiwa Makore (Jnr), zvose nemakumbo acho nechanza cheruoko chimwe chete. Musoro uyo wakawanikwa pekutanga uchiri kuongororwa nanamazvikokota asi mabhonzo aye akawanikwa muchimbuzi pamba paTapiwa Makore (Snr) anonzi haasi emunhu, asi kuti ndeemhuka,” anodaro Chikeya.

Tapiwa Makore (Snr) pamwe chete nemufudzi wake wemombe, Tafadzwa Shamba, vamwe vevakasungwa nekuda kwenyaya yekupondwa kwemwana uyu.

Chikeya anoti mhuri yekwaMakore ine hurongwa hwekuti vachiviga mutumbi wemwana uyu sezvo zvakawanikwa izvi zvakabuda kuti zvose ndezvemwana wavo. 

“Ini segweta, ndangomirira kunzwa kumhuri iyi kuti vanoda kuviga mutumbi uyu rinhi. Ndiri mubishi kunyora tsamba yekuzivisa mapurisa hurongwa hwemhuri iyi hwekuda kuviga mutumbi uyu uye tikangobvumidzwa, uchavigwa munguva pfupi iri kutevera,” anodaro Chikeya. 

Mutauriri wemhuri yekwaMakore, Mai Beaullah Musupai (46), vanoti vangomirira kupihwa mvumo yekuviga mutumbi waTapiwa Makore (Jnr) zvisinei nekuti dzimwe nhengo hadzisati dzawanikwa.

“Ichokwadi zvakawanikwa zvakabuda neChipiri. Gweta redu rave kunyorera kumahofisi anokodzera kuti tikwanise kuviga mutumbi wemwana. Zvimwe zvose zviri kuitwa zviri mumaoko memapurisa,” vanodaro Mai Musupai. 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×