Regai ndife hangu. . . . . . oda kuzviurayira hove

Muchaneta Chimuka

VERUZHINJI vakaona bhaisikopo remahara nemusi weChishanu chadarika panosangana migwagwa waNelson Mandela naSam Nujoma muguta reHarare apo mumwe murume akazvikanda mumota dzaidarika achiti aida kutsikwa kuti afe hake sezvo ari kushungurudzwa zvakanyanya nemudzimai wake.

Anotizve mudzimai wake anongoda kutenga-tenga zvinhu zvavanenge vasina kuwirirana achipfachura mari.

Murume uyu, uyo anoti anonzi Edgar Nyasha Homodza (36), akazvikanda mumugwagwa akapotsa atsikwa nemotokari yaidarika kusanganisira nekombi apo akazobviswa neveruzhinji.

Anoti ari kushungurudzwa zvakanyanya nemudzimai wake uyo akangozivikanwa saMai Homodza.

Panguva yaakabviswa mumugwagwa achinoradzikwa padivi apo aidirwa mvura nekubviswa shangu, Homodza aingoti kuti kufa kwake kuri nani asiye mudzimai wake uyo waanotizve anonyanya kutenga-tenga zvinhu achipedza mari.

“Mudzimai wangu anotenga-tenga zvinhu, musi uno akatenga masiketi maviri ndokuzotenga zvekare bhutsu, haanditereri saka zviri nani ndife hangu,” anodaro achibata musoro apo mudzimai wake ainge aripo.

Zvisinei, Mai Homodza vanopikisana nemurume wavo vachiti ari kushungurudzwa nekuda kwekuwanda kwebasa rake.

“Murume uyu ndine muchato naye zvisinei nekuti hatina vana tose. Munhu anoshungurudzika zvakanyanya kana akawandirwa nezvinhu mumusoro zvinosanganisira puresha yekubasa kwake iyo yaunzwa nekushandisa dandemutande (online), kwozoti zvekumba. Hakasi kekutanga achida kuzviuraya, katova kechitatu nekuti kuDarwendale kwatinogara akamborara munjanji achida kuzvitsikisa nechitima. 

“Akamboda kuzvitsikisa nemota. Nhasi uno oda zvekare kuzviuraya nekuti ndatenga hove nyoro dzeUS$39, ari kuti ndiri kunyanya kushandisa mari zvino osarudza hake kufa?” vanodaro Mai Homodza vachichema-chema kumunyori uno kuti avabatsire kuwana mupangi wemazano.

Edgar Nyasha Homodza

“Apa tanga tiri kuenda kumba kwehanzvadzi yake uye achangobva kutora mari yake pabhengi reStandard Chartered, ipapa ndopandati regai nditenge hove dzakawanda nekuti sisi vangu vanga vachiuyawo kuzotichingura,” vanodaro Mai Homodza.

Mumwe mudzimai aive pachiitiko ichi — Mai Talent Garapo — vakayambira Mai Homodza kuti vasiyane nemurume uyu zvinhu zvichakanaka.

“Imi amai imi, dai muri munhu ane njere masiyana nemurume uyu nguva ichiripo, achiri mupenyu kudai uye mamupereka kuhama dzake nekuti handioni muine nguva naye. Munhu anoda kuzviuraya anotyisa uye rimwe remazuva achazadzikisa chishuviro chake mukasungwa muchinzi ndimi mamuuraisa,” vanodaro Mai Garapo.

Vamwewo varume ndivo vaishora Mai Homodza vachiti vari kuomesera murume wavo pakutenga-tenga zvinhu.

“Makazvitarisawo vahazvadzi (kureva munyori uno), vanhu ava havana kana mwana asi munhu anopinda mubhucha otenga hove dzeUS$39.

“Anodzidii uye adzitengerei kana asina kuwirirana nemurume              wake? 

“Zviri pachena kuti mukadzi uyu ane nharo uye kana iye achiziva kuti hakasi kekutanga murume wake achida kuzviuraya ari kurambirei achiita zvinhu zvinoita kuti agumbuke?

“Vakadzi zvimwe zvinhu zvamunoita zvakashata chaizvo, murume mukuru akadai kusvika pakuda kufa nekuda kwemukadzi? Apa ndimi munoenda pamberi muchiti varume vanotishungurudza. Kutaura chokwadi varume vakawanda vari muchoto chakadai,” anodaro mumwe murume akangozviti VaNcube.

Homodza nemudzimai wake vakazotorwa nemumwe murume aizviti mufundisi achiti ari kuenda navo kunovanamatira.

Zvichakadai, sangano rinorwira kodzero dzemadzimai, reMusasa Project, riri kuita ongororo maringe nemhirizhonga.

Mai Precious Taru, avo vanova mukuru wesangano iri, vanoti veruzhinji avo vari kusangana nemhirizhonga vakasununguka kuchaya nhare dzavo dzeHotline dzinoti 08080074 kuti vabatsirwe kana kumhan’ara kumapurisa ari pedyo navo.

“Sandi madzimai bedzi ari kusangana nemhirizhonga sezvo varume vari kusanganawo nayo zvakanyanya zvisinei nekuti vazhinji vavo vanofira muchinyararire nekuda kwetsika nemagariro zvinoita kuti vanyare kumhan’ara. Vamwe ndivo vanopedzisira vatora upenyu hwavo nepamusaka pekuti vanenge vakundikana kuwana anovapanga mazano,” vanodaro.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×