Mwana wekutorwa neshiri mutano

Tinashe Kuyana (kuruboshwe) naCosmas Kuyana. - Mufananidzo: Justin Mutenda
Tinashe Kuyana (kuruboshwe) naCosmas Kuyana. – Mufananidzo: Justin Mutenda

MWANA uye wekuGokwe wekumbotorwa neshiri ikaenda naye mudenga, ndokuzomudonhedza apo ainge arere mumunda vabereki vake vachisakura, anonzi mutano uye ari kukura zvakanaka.

Kwayedza gore rapera yakaburitsa nyaya yemwana uyu, Takudzwa Kuyana (2), anogara nevabereki vake mubhuku raMakore, kwaMambo Nembudziya achinzi akatorwa neshiri paainge akarariswa, ikabhururuka naye mudenga, ndokuzomudonhedza.

Paakadonhedzerwa pasi neshiri iyi, anonzi haana kukuvara uye akanonhongwa naamai vake avo vakamuwana achitonyemwerera.

Vabereki vaTakudzwa ndiVaCosmas Kuyana (28) nemudzimai wavo, Barbra Nzou (23).

Vachitaura svondo rapera, VaKuyana vanoti vanofara kuti mwana wavo ari kukura zvakanaka mushure meshura iri.

“Mwana wedu ari kukura zvikuru pasina kana dambudziko uye mutano. Zviri kutaurwa nevanhu muno zvatinonzwa vamwe vachiti akarumwa nezizi vamwe vachiti anofuma akarara panze kunyepa.

“Vanhu vanoda kusvibisa zita redu, hongu mwana akambotorwa neshiri zvikashamisa dunhu rose. Asi takazobatsirwa nen’anga zvikapera,” vanodaro VaKuyana.

Vanoti mushure mechiitiko ichi, kwakazouya n’anga ikabvisa zvinhu mumusha mavo apo vakaudzwa kuti yaisava shiri yakange yatora mwana uyu, asi kuti zvaiva zvikwambo.

“Hongu, maporofita vakauya asi vakazobatsira mwana uyu in’anga nekuti maporofita vakanga vatadza. Pamusha pedu hapana dambudziko, izvozvi amai nemwana vaenda kuchechi.”

Mukoma waVaKuyana, VaTinashe Kuyana (33), vanoti Tafadzwa haana dambudziko.

“Ichokwadi chiitiko chekutorwa kwemwana uyu neshiri chakashamisa nyika yose zvinoita kuti tisazvikanganwe. Asi dambudziko hapana kunze kwendangariro chete,” vanodaro.

VaZesa Makore (39), vanova babamukuru vaTafadzwa zvakare, vanotsinhira mwana uyu ari kukura zvakanaka.

“Mwana atokura uye haarware. Zvemashoko evanhu vanofamba vachiti akarumwa nezizi vamwe vachiti ave kufuma arere panze, ndivo varoyi vanoshuvira zvakaipa,” vanodaro.

Ambuya vaTafadzwa, Mai Easther Kuyana (68), vanoti vanofara zvikuru. Zvakadaro, Madzibaba Biton Mumba (23) veJohane Masowe weChishanu vanoti mwana uyu anofanirwa kugara achiyereswa nguva dzose nekuda kwedambudziko raakasangana naro iri.

 

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×