Mwana ‘wemusango’ ofurufusha amai

Yvonne Chipato
MUKADZI wekugara achinetsana nemwana wemurume wake akaenda kudare achiti anotukirirwa nezvinyadzi. Judith Mutisi akamhan’arira Pace Chikunda kuHarare Civil Court achiti inhubu chaiyo sezvo achimushungurudza pamwe chete nevana vake. “Mwana uyu anouya pamba pangu achindituka zvinonyadzisira zvandisingakwanise kutaura achirova vana vangu. Handisisina rugare nekuda kwake nekuti kana akauya ndotobatira hana mumawoko,” akadaro Mutisi. “Handidi kana kumuona pamba pangu, apedza kuparadza midziyo yangu uye anouya achindivhiringidza. Ini handidi kumuona, mwana wemusango wemurume wangu. Ngaaende kuna amai vake kwete kuuya kumba kwangu.”

Chikunda haana kuwirirana nezvaitaurwa naMutisi achiti: “Handisi munhu wemhirizhonga asi kuti ivo havadi kuti ndiuye kuzoona baba vangu. Vanonditi ndiri mwana wemusango. Vakadyisa baba vangu, kuvaputira nemishonga kuti vasandide. Baba vangu vari kutochengeteswa vana vasiri vavo. “Ndakatenga mota pamwe chete nababa vangu saka ndinouya kumba kwavo kuti ndipihwewo chidimu changu chemari yemota asi mukadzi uyu nekuda kweshanje dzake, ava kundinyepera kuti ndinomushungurudza.

Anosungirira mari yababa vangu muzamu kunge yake, ane hundyire,” akadaro Chikunda. Mutongi Babra Masinire akati Chikunda asashunguruze Mutisi nenzira ipi zvayo uye akazvidza mutongo wedare achasungwa.

Related Posts

President Mnangagwa vochema Chivayo, mudzimai wake nevamwe vatatu

Munyori weKwayedza Mutungamiri wenyika President Mnangagwa varatidza kuvhunduka kukuru pamwe nekusuwa zvichitevera kufa kwamuzvinabhizimusi Wicknell Chivayo, mudzimai wake Lucy Muteke nevamwe vanhu vatatu mutsaona yechikopokopo kuMarondera nezuro. Mumashoko enyaradzo, President…

Chiremba wemanyepo akavhiya munhu pahuro akafa

NaArron Nyamayaro MUMWE chiremba wemanyepo anonzi akakonzeresa kufa kwemumwe mukadzi mushure mekumuvhiya pahuro zvisiri pamutemo vari pane imwe imba kwaSeke. Mapurisa anoti Douglas Mutore, wekuChitungwiza, akaenda kuna Muzvare Magret Gwamura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×