Nyakutsakatikira kun’anga, akazowanikwa kusowe

MAI Constance Chinakira vachimbundira mwana wavo, Mitchell, kuKuwadzana nemusi weChipiri svondo rino.— Mufananidzo: Memory Mangombe
MAI Constance Chinakira vachimbundira mwana wavo, Mitchell, kuKuwadzana nemusi weChipiri svondo rino.— Mufananidzo: Memory Mangombe

Nyasha Mutena
MUKOMANA wekuChitungwiza wekubuda mubepanhau rino achinzi akatsatika kun’anga uko ainge aendeswa kunorapwa chirwere chepfungwa akawanikwa svondo rino ari pane rimwe sowe riri kuKuwadzana 7, muHarare. Mitchell Zhanje (20), uyo anogara kuMayambara, kwaSeke, akashaikwa nguva pfupi yadarika apo anonzi ainge aendeswa kune imwe n’anga iri kumasango ekuZengeza 5 inongonzi Sekuru Mhofu kunorapwa.

Kubva panguva iyi, Mitchell ainge asingazivikanwe kwaari uye anonzi musi wa5 Chikunguru akasvika pasowe raMadzibaba Lotebele Simon (34) vanotungamirira chechi yeJohanne Masowe yeNyenyedzi Nomwe kuKuwadzana 7 apo ange akachengetwa kusvikira neChipiri svondo rino.

Madzibaba Lotebele vanoti Mitchell akasvika pasowe ravo achiti ane nzara uye aida kunamatirwa. Vanoti vakabva vamubatsira sezvaaida mushure mekunge vaona kuti anorwara nepfungwa.

Vanoti mumwe mwana wemutendi wechechi yavo, Catherine Guni, ndiye akazotaura kuti ainge averenga nyaya yaMitchell mubepanhau reKwayedza.

“Mwana uyu akasvika tiri pamasowe tichiita mabiko ndokukumbira kunamatirwa uye aiti aida svutugadzike sezvo aiva nenzara. Takamupa akadya asi takazoona kuti ndiye ane nyaya yakabuda muKwayedza achinzi ari kutsvagwa,” vakadaro Madzibaba Lotebele.

Vanoti Mitchell akamboita dambudziko rekuzvimba nhengo yake yesikarudzi apo vakazomuendesa kuchipatara cheHarare Central Hospital, uko akarapwa ndokupora. Amai vaMitchel, Mai Constance Chinakira, vakazara nemufaro nekusanganiswa kwavakaitwa nemwana wavo ndokuti havaigona kutenda veKwayedza zvakakwana nebasa rayakavaitira.

“Chokwadi Mwari akuitirei zvakanaka veKwayedza, handigone kukutendai zvakakwana. Maita henyu mandisanganisa nemwana wangu,” vakadaro Mai Chanakira apo vakaona mwana wavo pamasowe apa.
Mudzimai uyu akashanyira mahofisi eKwayedza nguva pfupi yadarika achida kuti nyaya yekushaikwa kwemwana wake iburitswe munhau.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×