Mwanakomana (10) apambwa, baba ndokurohwa nezisimbi

Muchaneta Chimuka

MUNYAYA inokahadzisa, mumwe murume wekwaSeke akamiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrates’ Court achitarisana nemhosva mbiri dzinoti yekupamba mwana ane makore gumi okuberekwa uye nekuzorova baba vemwana uyu nesimbi mumuviri wese mushure mekunge vaenda kunomununura.

Tariro Nyarambi (40) wemubhuku raChikambi kwaMambo Seke akabvuma mhosva yekurova baba vemwana uyu, VaTsaurai Nerutanga (54), nezisimbi asi ndokuramba yekupamba mwana wavo.

Mutongi VaBatsirai Madzingira vakamuti adzoke kudare munguva pfupi iri kutevera apo nyaya iyi iri kuenderera mberi nekutongwa uye anenge achibva muchizarira.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti nomusi wa18 Kubvumbi munguva dzemanheru, Nyarambi anonzi akasangana nevana vaVaNerutanga vachitengesa hembe pamusika achibva ataurira mumwe wavo ane makore gumi okuberekwa kuti auye kumba kwake.

Mwana uyu anonzi akatanga kumhanya achibva apunzikira pasi izvo zvakaita kuti Nyarambi ange achimubata ndokumudhonzera mumba make umo akasvikomusunga muromo nejira kuti asachema achibva amuvhariramo.

Vanin’ina vemwana uyu vanonzi vakamhanya kunotaurira baba vavo nezvenyaya iyi izvo zvakaita kuti vaende kunonunudza mwana wavo.

Zvisinei, pavakasvika pachivanze chaNyarambi akabva avatambira nezisimbi achibva atanga kuvarova naro mumusoro, paruoko nepachipfuva zvakaita kuti vakuvare.

VaNerutanga vakaenda kuchipatara kunorapwa uye magwaro ekwachiremba akabudiswa mudare seumbowo.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *