Muchaneta Chimuka
MAPURISA ari kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji kana paine vane ruzivo maringe nekuna Tadiwa Mushore (13)
wekuZone 6 kuHopely, muHarare uyo akagumisira kuonekwa nomusi wa5 Kurume gore rino apo akatiza pamba mushure mekurovha chikoro.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanoti Tadiwa aidzidza paRuvheneko Primary School kuGlen Norah uye anonzi aiva nembiri yekurovha chikoro nguva zhinji.
Mwana uyu aigara natete vake uye mukoma wababa vake nemudzimai wavo.
“Nomusi wa5 Kurume, Tadiwa anonzi akasvika kumba munguva dzemasikati idzo anosisvika achibva kuchikoro mushure mekunge murairidzi wake aridzira nhare tete vake achivataurira kuti ainge asina kusvika kuchikoro pazuva iri,” vanodaro.
Zvinonzi nekutya kuti zvaainge aita zvazivikanwa, Tadiwa akabva atiza pamba uye kusvika nanhasi uno haasati aonekwa.
Tadiwa mukomana mutete mutema uye akagumisira kuonekwa akapfeka t-shirt chena, chikabudura chine mitsetse mitsvuku, masokisi egrey neshangu nhema.
Insp Chakanza vanoti kana paine vane ruzivo nekuna Tadiwa vanokwanisa kuzivisa mapurisa epaSouthlea Park Police Station, muHarare panhamba dzinoti: 0242613351/2 kana kuti 0773 298 543 kana Operations Department pa0242748836.
Muhurukuro natete vaTadiwa, Faith Ndongolo, panhare vanoti pazuva iri muzukuru wavo akasvikosiya bhegi rake remabhuku pamba pemuvakidzani wavo.
Vanoti vakazomuona ava kutomhanya achitiza vachibva vaedza kumutandanisa asi vakakundikana kumubata panova paakabva angoenda zvachose.
“Taitomuona tiri kure tichiedza kumutandanisa asi takakundikana kumubata. Tadiwa mwana airovha kuchikoro uye murairidzi wake pazuva iri akandiridzira nhare achiti ainge asina kusvika kuchikoro. Saka tinovimba kuti pamba akatiza nekutya kuti ndinoroverwa mhosva yekurovha chikoro. Amai nababa vaTadiwa vakarambana, amai vake vanogara kuDomboshava uye vakatombouya mushure mekunge tavaudza kuti tiri kushaya mwana tikabatsirana kutsvaka tikamushaya kudzamara tazovizisa mapurisa,” vanodaro.




