Mwanakomana (13) otsvagwa

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kutsvaga Tafadzwa Gwenya (13) wemumusha weMucheke F, kuMasvingo uyo akabva pamba achienda kusingazivikanwe nguva yadarika.

Mwana uyu aigara panhamba 10946 mumugwagwa waKufandada kuMucheke F.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti mukomana uyu mupfupi aine muviri uri pakati nepakati uye ari mushava.

“Mukomana ari kutsvagwa uyu akabva pamba pavo nemusi wa9 Kurume gore rino ra2026 nenguva dza0600 hours achienda kusingazivikanwe. Aive akapfeka mbatya dzinosanganisira tracksuit chena, jersey reReal Madrid nemapushi matema,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanokumbira veruzhinji vangangodaro vaine ruzivo nekwakaenda mwana uyu kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo kana kutaura naOfficer In-Charge ZRP Chikato, Inspector Shiella Chikato, panhamba dzinoti 0392262137 kana 0772 850 914. Vanogona zvakare kubata Investigating Officer Tinashe Chapungu panhamba dzinoti 0774 707 323.

“Mudunhu redu reMasvingo tine kushushikana kukuru nekuda kwekuwanda kwevanhu vari kungoshaikwa, zvikuru vana, votadza kuzivikanwa kuti vakaenda kupi. Tinokurudzira vanhu kuti vazivise hama kana vamwe vari pedyo navo kwavanenge vachienda,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Keith Moyo otevera matsimba ababa

Abel Ndooka MUTAMBI wenhabvu wechidiki ari kusimukira — Keith Moyo (13) — ari kutevera mumatsimba ababa vake, Godfrey “Goda” Moyo, avo vakaita mukurumbira vachitambira zvikwata zvinosanganisira Motor Action, Lengthens nemaWarriors.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×