Abel Ndooka
MHURI yekuShamva, kuMashonaland Central, yakaoma mate mukanwa apo mwanakomana wavo wavaifungidzira kuti ndiye wavainge vaviga kumarinda ekuBindura akaerekana ati pfacha pamba.
Chiitiko ichi chakasiya mhuri yekwaKachirekwa, iyo inogara kuShamva, iine kutya kukuru uye mubvunzo wokuti zviri kumbofamba sei chaizvo.
Nomusi weSvondo vhiki radarika, mhuri yekwaKachirekwa yakaviga munhu wavaifungidzira kuti aive mwanakomana wavo Simbarashe Kachirekwa. Vaifunga kuti akange apondwa aenda kuchikorokoza, asi padarika mazuva matatu, apo vaironga semhuri zuva renyaradzo nekuzogova nhumbi dzemushakabvu, Simbarashe akaekerana asvika pamba, izvo zvakasiya mhuri iyi iine kutya kukuru sezvo vaifunga kuti zvimwe vaiona chipoko.
Mutauriri wemapurisa munyika Commissioner Paul Nyathi vakatsinhira nezvenyaya iyi vachiti: “Nyaya iyi tiri kuiziva; takaudzwa nezvayo. Semapurisa, tichanyatsoburitsa mashoko azere nezvayo tapedza kuita tsvakurudzo dzedu.”
Mukoma waSimbarashe, VaEdzai Kachirekwa, vanoti mumhuri mavo vachiri kushushikana chaizvo kuti zvakambofamba sei panyaya iyi.

Vanoti munin’ina wavo uyu, uyo anoita zvechikorokoza, akatanga kushaikwa muna Chikunguru, hanzvadzi yavo ikazoudzwa nevanhu vaishanda naSimbarashe kuti akapondwa. Yakaudzwa zvakare kwaakange akandwa.
Vanoti pavakaudzwa nezvazvo vakaenda kunomhan’ara kumapurisa, ayo akanotsvaga mutumbi wacho kusvika wawanikwa.
Vanoti, semhuri, vakazoshevedzwa kuti vaone mutumbi nomusi wa9 Nyamavhuvhu. Vakaenda kunourakidzwa asi wakange washata nokuda kwekugara kwenguva refu uri musango.
“Takanzwa kuti mwanakomana wedu akange apondwa, saka takaenda kunomhan’ara kumapurisa nezvenyaya iyi. Takavaudza kuti takange tanzwa kuti mwana wedu akange apondwa uye kuti isuwo tainge tave nemazuva tisingamuoni,” vanodaro VaEdzai Kachirekwa.
“Takatanga kumutsvaga kusvika taudzwa kwaainge ari, mapurisa akaenda kunotora mutumbi wacho, isu tikazoshevedzwa kuti tinoone kuti waive wehama yedu here.
“Tichitarisa mutumbi uyu, isu takangoti ndewehama yedu, kunyangwe hazvo chiso chacho chakange chave kusanyatsooneka sezvo mutumbi wainge waora zvikuru, imwe hanzvadzi yangu ikatoti, ‘NdiSimba uyu; ndaziva nebhachi raakapfeka iro; ndini ndakamupa.’
“Saka isu takava nechivimbo chokuti ndiye zveshuwa, tikapihwa mwana wedu, tikaenda kunomuchema, ndokumuradzika zvakanaka.”
Mushure mekuviga mutumbi, VaEdzai Kachirekwa vanoti vakasangana neshura, apo Simbarashe akazongobudikira pamba ari mupenyu.

“Musi watainge takagara pasi naamai tichironga zuva rekuzoita nyaradzo nekugova nhumbi dzake, takakatyamadzwa zvikuru apo takaona Simba achisvika pamba,” vanodaro.
“Pokutanga taifunga kuti chipoko chake chainge chauya kuzotiudza kuti ndavanaani vakange vamuponda, asi akatanga kutitaudza; kutotaura nesu nyaya. Akatanga kutoseka, achiti takange taviga munhu asiri iye.
“Ini ndakamupinza mumotokari yangu ndikamuti handei kumakuva, ndichiti chisara
kuno kwatakakuviga, asi iye akatoseka, achiti, ‘Munodirei kundisiya kumakuva ini ndiri mupenyu?
“Saka takazoenda naye kumapurisa ekuBindura kunoazivisa kuti munhu wataifunga kuti taviga musi weSvondo tinaye, tauya naye, ivo vakakatyamadzwa nazvo zvakare.
“Semhuri, kutaura kuno hatisati tagadzikana; hatisi kunzwisisa kuti zviri kumbofamba sei.”
Vanoti Simba akazotorwa nedzimwe hama ndokuendwa naye kunzvimbo inonzi Nyaguwe iri kuShamva, kunoitirwa chivanhu chekumuchenesa nekudzinga mweya werufu uri kumutevera.
“Munoziva panoitika zvinhu zvakadai, vamwe vanoti panofanira kufambwa kuti munhu agezeswe, saka mukomana akatorwa nedzimwe hama; vari kufamba kuita izvozvo.
“Ini ndakazviramba nokuti ndiri munhu anoita zvekunamata; handitendi mune zvekufamba-famba, saka kutaura kuno handitozivi kuti vari kupi,” vakadaro VaEdzai Kachirekwa.




