Mwanasikana (14) otsvagwa abva pamba anetsana naamai

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo ari kutsvaga mwanasikana wemakore gumi nemana okuberekwa anonzi Vanessa Gombe uyo akangobva pamba mushure mekunge anetsana naamai vake uye haazi kuzivikanwa kwaari.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa, vanoti musikana uyu anogara panhamba R170 mumugwagwa waZimuto Street kuMucheke kuMasvingo.

Vanoti akagumisira kuonekwa nemusi wa4 Gunyana nenguva dza2300 hours apo akanetsana naamai vake vari pamba pavo nekuda kwenyaya isina kuzivikanwa.

“Tine mwana ari kutsvagiwa nevabereki vake anonzi Vanessa Gombe wemakore gumi nemana ekuberekwa uyo angangodaro akareba mamita 1.4 uyewo ari mushava. Ane muviri uri pakati nepakati. Panguva yaakashaikwa, aiva nevhudzi pfupi, akapfeka top ine maoko marefu yeruvara rweblue uyewo neskin tight yeblue nemapush epink,” vanodaro Insp Dhewa.

Vanoti vari kukumbira kuruzhinji kune vanoziva mafambiro akaita mwana uyu kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo. Vanogona zvakare kubata mukuru wemapurisa Officer In Charge ZRP Chikato, Inspector Zivai Mlambo, panhamba dzinoti 0775 796 826 kana 0392262137.

Vanokwanisawo kutaura naInvestigating Officer munyaya iyi Constable Joyline Darangwa panhamba dzinoti 0771 644 914.

“Tinokurudzirawo vabereki mudzimba kuti vasarudze kana kuziva mashoko ekutsiura nawo vana uyewo ivo vana vogashira kutsiurwa kubva kuvabereki nevamwe vavanogara navo,” vanodaro Insp Dhewa.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *