Mwanasikana (16) apfimbwa paFacebook ndokubatwa chibharo

Muchaneta Chimuka

MWANASIKANA ane makore 16 okuberekwa wekuBuhera, uyo akatsvaka rudo paFacebook, akasvika pakuvhevhetedzwa nemurume ane makore 22 waaifunga kuti achamuroora ndokubva amubata chibharo.

Akasangana nemurume uyu paTrabablas Bus Stop muHarare ndokuenda naye kumba kwake uko akashinha naye uye ndokuzodzingwa pamba mushure memazuva maviri.

Mwanasikana uyu akazopotera kuvavakidzani vanova vakamuyambira kuti anomhan’ara nyaya yake kumapurisa zvakaita kuti Benjamin Tafirenyika (22) wekuNyatsime Nhanho, kuChitungwiza asungwe.

Akamiswa pamberi pemutongi wedare reChitungwiza Magistrates’ Courts, Batsirai Madzingira, avo vakamupa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 12 nekuda kwemhosva yekushinha nemunhu asati abva zera.

Pasi pemutemo, mhosva yerudzi urwu inotorwa sechibharo (statutory rape).

Mutongi vakazomubvisira mwedzi mina pachirango ichi nechitsidzo chekuti haafaniri kupara imwe mhosva yerudzi urwu makore mashanu asati apfuura.

Mwedzi misere yainge yasara vakaisendeka parutivi nechitsidzo chekuti Tafirenyika anofanira kunofondoka kwemaawa 280 paSt Mary’s Clinic muChitungwiza makare.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira akaudza dare kuti nomusi wa7 Kurume gore rino, Tafirenyika akapfimba mwanasikana uyu paFacebook achibva abvuma.

Nomusi wa16 Kurume, Tafirenyika akabva ataurira musikana uyu kuti auye kumba kwake kuti vazogara vese zvinova zvaakabvuma.

Mwanasikana uyu akakwira bhazi vachibva vasangana paTrabablas Bus Stop ndokuenda vese kumba kwemusungwa.

Husiku hwezuva iri, Tafirenyika akashinha nemwana uyu pasina dziviriro uye vachitenderana.

Nomusi wa18 Kurume, Tafirenyika akabva atanga kudzinga mwanasikana uyu pamba pake.

Musikana uyu akabva amhanya kunoudza vavakidzani vaTafirenyika vanova vakamubatsira kuti anomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

Mwanasikana uyu akavhenekwa nemachiremba uye magwaro acho akabudiswa mudare seumbowo.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×