Kingstone Mapupu
MHURI inobva mumusha waSabhuku Rugare kwaNyika kuBikita, iri kutsvaga mwanasikana wayo, Beauty Mudyanebanga (24), uyo akagumisira kuonekwa mugore ra2024.
Mai Evelyn Mukove (46) vanova amai vaMudyanebanga uye vanoshandira kuNgezi kuMhondoro, vanoti mwanasikana wavari kutsvaga uyu ndiye dangwe ravo.
“Ndiri kutsvaga mwanasikana wangu anonzi Beauty Mudyanebanga (24) uyo takagumisira kuona mumwedzi waZvita mugore ra2024. Akamboshanda kuHarare ndokuzoenda kuKadoma uko aishanda muchitoro chekubika icho chakazotsva nemoto,” vanodaro Mai Mukove.
Vanoti mwana wavo uyu akambogara nemurume akangozivikanwa saTinashe asi vakazorambana mushure mekuita mwana anogara nemurume uyu.
“Mumazuva akadarika, Tinashe akandifonera achinditaurira kuti ari kurota Beauty achimuitira hasha dzakanyanya. Saka ndakamuti vari kumboonana here, akati vakagumisira kuonana kare,” vanodaro Mai Mukove.
Vanoti munguva pfupi yadarika, vakazonomhan’ara nyaya yekushaikwa kwemwana wavo kumapurisa ekuDombo kuEpworth.
“Mapurisa vakatanga kufeya nyaya iyi vakazonowana magwaro ekuzvarwa aBeauty anosanganisa chitupa nebirth certificate kumba kweshamwari yake inonzi Natasha anogarawo kuEpworth,” vanodaro Mai Mukove.
Vanoti pane mashoko anoti shamwari yake iyi inoziva kune mwanasikana wavo.
“Hatina zvatakagumburisana nemwana, akangoshaika ari kubasa uku kusvika nanhasi tinomutsvaga. Kana aine kwaari akaona nyaya ino ngaatifonerewo nekuti tatambura nekumutsvaga,” vanodaro Mai Mukove.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya yekutsvagwa kwaMudyanebanga.
“Ichokwadi tine nyaya yekutsvagiwa kwemusikana anonzi Beauty Mudyanebanga nekudaro ikurudziro yedu yekuti kune vanoziva nezvemusikana uyu vazivise mapurisa ari padyo navo kana kuridzira nhare hama dzacho,” vanodaro Insp Chakanza.
Kune vanoda kubatsira mhuri iyi, vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0771 065 556 kana 0783 127 622.




