Raymond Jaravaza
MAPURISA ekuBulawayo ari kuferefeta nyaya inosuwisa zvakanyanya yemwanasikana ane makore matanhatu okuberekwa uyo akafa mushure mokunge abatwa chibharo pamwe chete nekurohwa nevamwe vakomana vatatu.
Mwana uyu (zita tinaro) aigara nevabereki vake murukisheni rweUpper Rangemore, kuBulawayo.
Zvinonzi vakomana ava vakadhonzera musikana uyu muimba yaive isati yapera kuvakwa, ndokumurova pamwe chete nekumubata chibharo.
“Musi wa4 Chivabvu 2026, kuma6pm, amai vemwana ane makore matanhatu okuberekwa vaive pamba pavo apo akadzokerapo achichema-chema nekurwadziwa nenhengo dzake dzakavandika, pachipfuva nemumusoro. Musikana uyu akaudza amai vake kuti akange arohwa neshamhu nevatatu ava vaaiziva.
“Akaenderera mberi achiti vasungwa ava vakamuzvuzvurudzira kune imwe imba yakanga isati yapera kuvakwa, uko vakaita zvijana kumubata chibharo,” anodaro mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kuBulawayo, Assistant Inspector Thandekile Ndlovu.
Munguva yousiku, mwanasikana uyu akaramba achinyunyuta pamusoro pekurwadziwa muviri wake wose, apo amai vake vaiedza kumunyaradza.
“Mangwana acho amai ava vakazoona kuti mwana wavo akanga atoshaya, nyaya iyi ndokumhan’arwa kumapurisa. Tinokurudzira vabereki nevanochengeta vana kuti vaone kuti vana vavo varipi nguva dzose uye kuti havazosiyiwi vari voga, kunyanya munguva dzemanheru.
“Kusimbaradzwa kwenyaya yekuchengetedzwa kwevana nevabereki kwakakosha mukuvadzivirira kubva mune dzimwe tsekwende dzavanogona kusangana nadzo,” vanodaro Asst Insp Ndlovu.




