Mwanasikana ane chirwere cheganda otsvaga rubatsiro

Malven Mugadzikwa

MWANASIKANA ane makore 16 okuberekwa wekuChitungwiza (zita tinaro asi tinorichengetedza nekuda kwezera rake) ari kutsvaga rubatsiro rweUS$500 yekuti avhiyiwe kumeso kwake nekuda kwechirwere cheganda (rare skin condition) icho chiri kumutambudza.

Vabereki vake vanoti havasi kukwanisa kuwana mari iyi parizvino yekuti varapise mwana wavo.

Vanoda kubatsira mwanasikana uyu vanoisa mari peEcoCash kana kufona panhamba dzaamai vake dzinoti 0785 872 803 idzo dzinoburitsa zita rekuti Priviledge Zambuko.

Mai Zambuko vanoti vari kuda kukasikirira mwana wavo chirwere ichi chisati chadzika midzi kuitira kuti asazokanganisike pautano hwake.

“Mwana ari kuda kuitwa oparesheni muno munyika asi parizvino hatina zvikwanisiro nemari yekuti abatsirikane.

“Tiri kukumbirawo kune veruzhinji vanokwanisa kubatsira nemari, pari kudiwa US$500 kuchipatara kwatakaenda.

“Dambudziko remwana wangu ndereganda rake rinongoomarara rekumeso saka vanachiremba vanoti anofanirwa kuitwa oparesheni nekurapiwa kuti zvisaramba zvichienderera. Vanotiwo akasaitwa oparesheni zvinozomukanganisa kumeso kwake,” vanodaro Mai Zambuko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *