Mwedzi 12 mujeri adhedha mupurisa nezibanga

Kimberley Chitambara

MURUME ane makore makumi maviri nemasere okuberekwa wekuBulawayo akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemiviri izere mushure mekucheka mupurisa paruoko rweruboshwe nezibanga (machete).

Blessing Makwanhla wemurukisheni rweMzilikazi akamiswa pamberi pemutongi wedare rekuBulawayo, Mai Sibonginkosi Mkandla, vanove regional magistrate, achitarisana nemhosva yekurova sezvinotsanangurwa muchikamu cheSection 89 (1) chemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act Chapter 9:23.

Akawanikwa aine mhosva yekukuvadza Simon Ziyadinga, anoshanda semupurisa kuZimbabwe Republic Police (ZRP) kuDonnington.

Mukupa mutongo, Mai Mkandla vakati musungwa akashandisa chombo chisingabvumirwi kuti munhu awanikwe ainacho pasi pemutemo kurwisa mumhan’ari.

Akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi gumi nemisere, uye mwedzi mitanhatu yakasendekwa parutivi nechitsidzo chekuita hunhu hwakanaka.

Izvi zvikamusiya ane mwedzi gumi nemiviri yekupika mujeri.

Muchuchisi Muzvare Tsungai Mutapi vakaudza dare kuti nomusi wa3 Kubvumbi nenguva dza9:15 PM, mumhan’ari aive paSD Bottle Store kuMachipsini, kuMzilikazi achitenga doro.

“Musungwa akabva apinda ndokupwanya mabhodhoro maviri akanga asina chinhu, mumhan’ari akaedza kumudzikamisa sezvo aitoita zvechisimba asi (Makwanhla) haana kufara nazvo, nyakupomerwa mhosva akabva abuda panze,” vanodaro Muzvare Mutapi.

Makwanhla akazodzoka akabata machete ndokucheka mumhan’ari kamwe paruoko rwekuruboshwe zvakaita kuti akuvare.

Ziyadinga akabva amhan’ara nyaya iyi kumapurisa, Makwanhla achibva asungwa.

Mumhan’ari akazoendeswa kuchipatara cheMpilo kunoongororwa nachiremba.

Related Posts

Zim yosimbaradza kudzivirira kupararira kweHIV

Muchaneta Chimuka  HURUMENDE iri kutarisira kugamuchira kubva kunze mimwe mishonga yeLenacapavir iyo inobatsira mukudzivirira kutapurirwa hutachiona hweHIV munguva pfupi iri kutevera izvo zvichabatsira veruzhinji vari panyatwa yekutapurirwa hutachiona uhu. Lenacapavir…

Murume (25) aponderwa pabhawa

Kingstone Mapupu MURUME ane makore 25 okuberekwa wekwaSabhuku Mbombela kwaMambo Malisa kuSilobela, kuKwekwe akapondwa achiita zvekutemwa mumusoro nebhodhoro redoro nemumwe murume pabongozozo remubhawa. Nyaya iyi yakaitika nguva pfupi yadarika panzvimbo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×