Mwedzi 20 mujeri vavharira mwana mumba kwemakore 3

Muchaneta Chimuka

MURUME wekuChitungwiza nemudzimai wake vakatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 20 izere mushure mekubatwa nemhosva yekuvharira mumba mwanakomana wavo ane makore 16 okuberekwa kwemakore matatu apo vaimunyima zvokudya.

Izvi zvakakonzera kuti mwana uyu apedzisire ave kudya tsvina yake.

Mwana uyu (zita rake tinaro asi tinorichengetedza

nekuda kwezera rake) atanga kuvharirwa mumba umu aine makore 14 ekuberekwa uye chikonzero chekuita izvi hachisati chazivikanwa.

Baba vake avo vane makore 45 okuberekwa

nemudzimai wavo, vose vanogara kuSt Mary’s kuChitungwiza, vakamiswa pamberi pemutongi Dennis Mangosi ndokupihwa chirango chekugara mujeri kwemwedzi 24 pamumwe nemumwe wavo.

Mutongi vakazosendeka mwedzi mina parutivi kwemakore mashanu nechitsidzo chekuti vaviri ava vanofanira kuita hunhu hwakanaka.

Izvi zvinoreva kuti mumwe nemumwe wavo achapika kwemwedzi 20 izere.

Muchuchisi Shamiso Charmaine Mwapangira vakaudza dare kuti kubvira mugore ra2022 kusvika nomusi wa6 Chivabvu gore rino, baba ava nemudzimai wavo vaivharira mwana uyu mukamuri yemba ine tsvina vachimurambidza kufamba kana kumuwanisa chikafu.

Vanonzi vaimunyima chikafu zvekuti akasvika pachidanho chekudya tsvina yake nemamwe marara aaingonhonga mumba maainge akavharirwa umu zvakonzera kuti awondoroke zvakanyanya.

Dare rakaudzwa kuti vaviri ava vakashaya mwoyo wekubereka apo vakakundikana zvekare kunyangwe kumuendesa kuchipatara mushure mekuona kuti utano hwake hwainge hwaderera zvikuru.

Munguva zhinji, baba ava nemudzimai wavo vaisiya mwana uyu ari mumaoko asisi vake ane makore 23 okuberekwa, anova munhu asingakurumudzi kubata zvinhu.

Hutsinye hwavo uhwu hunonzi hwakakanganisa mwana uyu pautano hwake nehwepfungwa sezvo akashungurudzika zvakanyanya apo vaimubata hunhapwa kunge musungwa.

Vaviri ava vakatongwa pasi pechikamu chemutemo unoona nezvekuchengetedzwa kwevana ( ill – treatment or neglecting of children and young persons as defined in Section 7 (1) of the Children’s Act Chapter 06).

Nyaya iyi inodyidzana neimwe yakamboitika munharaunda imwe chete apo mumwe mudzimai wekuZengeza, uyo anopinda chechi yechipositori, akavharira mwanakomana wake, Grant Mashasha, mumba kwemakore 14 azere.

Gure iri rakazofumurwa neveruzhinji zvakaita kuti mudzimai uyu asungwe ndokuzoendeswa kumatare edzimhosva.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×