RONDA Rousey akabuda pachena kuti anogona kupedza mwedzi mitanhatu kuti apore zvichitevera kukuvara kwaakaita mumuviri wake apo paakarohwa zvakasimba naHolly Holm mwedzi wadarika. Rousey ange asati ambokundwa mumitambo mitanhatu yeUFC uye Holm akamurova akaita chadzimira muround rechipiri remutambo wavo weBantaweight Title Contest kuMelbourne. Chizvarwa chekuAmerica ichi, icho chine makore 28 okuberekwa, chakaudza ESPN Magazine kuti akakuvara zvakaipisisa muviri wake kunyanya mazino ake paakakundwa naHolm izvo zvichamutadzisa kuti adzoke kuzokwikwidza zvakare kwemwedzi yakawanda. “Zvinogona kutora mwedzi mitatu kana mitanhatu kuti ndikwanise kudya apple chairo.
Ko kuzoti kuzorwa muviri wangu? “Ndiri kufanirwa kudzoka. Ndinofanirwa kurova musikana uyu. Ndiani anoziva kana ndikabva mazino kana kudambuka shaya dzangu kana kutsemuka muromo wangu zvakare? “Ndiri kufanirwa kuzviita.
Hazvina basa izvo ndiri kufanirwa kusangana naye,” akadaro. Vatambi vaviri ava vari kusimbisa kuti vanofanirwa kurwa vese zvakare kana Rousey apora uye kana apedza mamwe mabasa akamumirira anosanganisira kugadzira firimu rinonzi Road House. Rousey anosimbisa kuti kunyangwe hake akagumbuka zvichitevera kukundwa kwaakaita nguva yadarika, ari kugadzirira kuti arwire kuti atore bhande rake.
“Ndinonzwa kunyara nezvakaitika. Kurwa kwandakaita kunonyadzisa zvikuru hazvirakidze kuti ndizvo zvandiri. “Zvimwe handikwanise kuzviita zvese panguva imwe chete, muviri wangu usati waneta,” akadaro. “Asi pamwe ndinogona kuzviita.” — Sky Sports News




