A-LEVEL — MASIMBA: Varamu vodanana. . . Nyaradzo nababa vaChamu vapengesana

Ticha Tichaziva
“CHEKUDA MBUNE” naMemory Rugedhla (27-29)
ONGORORO (Enderero mberi):
Kumwe kudimikira kunotitaurira kuti Muchaneta aiva netsika yekuba zvekuti aisagona kudarika napane chinhu chinotakurika akachisiya chiripo izvo zvinonzi “nokuda kweruoko rwake” (28). Tochienda kuenzaniso tinosangana neyokutanga iyo inotiratidza amai vaMuchaneta vainge vakashatirwa. Zvakadini apo Tongai akati mumba munenge mapinda munhu anenge mukoma Muchaneta. Zvinonzi amai ava vakaburitsa ziso raive rakatsvuka “sechiropa” nehasha (28). Pavanoona chivhitivhiti pasisina, mukadzi mukuru anozvishairwa pazvo, pahuro pavo pakaoma kuita “somunhu akanga ave nemwedzi asina chaanwa” (29).
“CHIRAMU” naKeresia Chateuka (31-36)

Mukoma waNyaradzo anobva kumusha kunhamo yerufu rwemunin’ina wake oenda kunasahwira wake kunomuudza zvainge zvakaitika maererano nemufi. Aiita basa rokushava. Zvino nerimwe zuva adzoka rwendo semazuva ose, pamba pake panosvika muenzi mwana wavatete vake uyo anoudza mudzimai uyu nekusafadzwa nezvaakaona apo akauya pamba apa ndokumuyambira kuti akasachenjera, Nyaradzo munin’ina wake aigona kuputsa imba yake.

Mudzimai uyu anomboramba anyerere ndokuzotaurira mwana watete uyu kuti achazoona zvekuita ndokutanga kuongorora magariro epamba pake. Anoona kuti murume wake aitanga basa nenguva dzetatu kunze kwoedza achipedza nenguva dzepfumbamwe mangwanani asi aizosvika kumba nenguva dzechishanu zuva rovira. Nyaradzo ndipo apo aisvika vanhu ndokuita sevasina kumboonana asi ivo vaswera vose.

Panodzoka Nyaradzo kubva kuchikoro, vanoda kuti vanzwe pfungwa dzake iye ndokupindura achiti kuti aende kumusha hazvichaita, dai vange vatoti arege chikoro.
Chifumi chamangwana acho vamwene vake vanobva vasvika ndokubva anzwa vachikurunzira mwanakomana wavo vari kudivi raNyaradzo uyo anozvitsigira achiti kana mukoma wake achifunga kuti imba inoshamisira, anoisiya masikati machena iye akasara ava kunzi Mai Musonza pamba ipapo.

Amai vemba vanoona kuti apa hapasisina chavo kwava kuenda kuEpworth kwababamukuru avo vaiva nevakadzi vatatu kukashaikwa mhinduro inobatsira. Amai ava vanoenda kuMufakose kumuzukuru wavo vachiita somunhu aida kunzwa kuti Nyaradzo aiita zvakadini muchikoro ndokuudzwa kuti murume wavo anogara achiuya ikoko mazuva ose achibva kubasa achivigira Nyaradzo chikafu chamasikati.

Dzimwe nguva vanoenda kunobika kumba kweshamwari yavo yaigara nechepaseri kana achida kuenda anonowana ariko. Anofunga zvekuenda kwataurwa uku asi anomira nechekure achitya kuchenjedza vanhu vaari kutsvaga.

Papera kanguva anoona murume wake naNyaradzo vobuda mumba muye kwava kurega vachienda iye ndokudzokera kumba kunovamirira.
Baba vaChamu ndivo vanotanga kusvika vachinyepa vachiti kuwanda kwebasa ndiko kwavanonotsa. Gare gare Nyaradzo anosvikawo ndokuita seainge asina kumboona baba vaChamu. Vanhu ava vari kunyeba kunge vainge vasina kuonana.

Mumwe musi amai ava vanonanga Chivhu kuvabereki amai vake vakati Nyaradzo haangamboita zvinhi zvakadaro, ngavasiyane nemwana wavo.
Baba vanoti hazvinaki kuti vana vagarisane vasingawirirani, ivo vachaenda kunotora Nyaradzo izvo zvisina kufadza baba vaChamu naamai vake.
Kunopera gore vasingawirirani asi nerimwe zuva anozogamuchira tsamba inobva kuna amai vake vachikumbira ruregerero.

Apo mudzimai uyu akaenda kurufu rwemunin’ina wake akazonzwa zvimwe.

(Enderero mberi svondo rinouya.)

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×