NYAYA dzevanhu vari kuponda vamwe, kusanganisira vana vavo chaivo vekubereka, dziri kuwanda mazuva ano, izvo zviri kukonzera kusagadzikana munharaunda dzakasiyana-siyana.
Zuva nezuva pari kubuda nyaya dzevanhu vanenge vauraya vamwe nezvikonzero zvakatsaukana.
Chinorwadza ndechokuti zvimwe zvacho zviri kuita kuti vanhu vasvike pakupondana hazvina nematuro ose, izvo zvinoita kuti vanhu vashamisike kuti mweya hwai uri kubata vapari vemhosva dzakadai.
Somuenzaniso, svondo rino tine nyaya yemurume wekuDzivaresekwa, muHarare, uyo akamiswa mudare achipomerwa mhosva yekuponda mwanakomana wake wekubereka panguva yekunetsana kwemhuri yake nokuda kweUS$1.
Mushakabvu uyu anonzi akanetsana nemunin’ina wake, uyo akange amukweretesa US$1.
Akatanga kurwisa munin’ina wake, izvo zvakazoita kuti baba vavo vapindire nyaya iyi, vachiedza kuvarandutsira, asi zvinonzi pakaita kusanzwisisana, izvo zvakakonzera kuti vamubaye nebanga, achibva afa.
Kunze kwenyaya iyi, svondo rino tine imwe zvakare yemurume wekwaMambo Malisa, kuSilobela, mudunhu reMidlands, uyo ari kutsvagwa nemapurisa mushure mekutiza apo anonzi akauraya mudzimai wake nekumurova nenduni muviri wose nechikonzero chisati chazivikanwa.
Svondo rapera, pane nyaya yakabuda mumapepanhau pamwe chete nepadandemutande yemurume wekuWaterfalls, uyo anonzi akaponda mwanakomana wake mushure mokunge akundikana pabvunzo dzekuti apinde basa rechipurisa.
Sokunonzi izvi zvishoma, kuChecheche, kuChipinge, kune murume akasungwa svondo rapera nemhosva yekurova zvakaipisisa mwana wake ane mwedzi miviri yekuberekwa nebhande.
Mwana uyu akakuvara zvakanyanya mushure mekurohwa uku uye akaendeswa kuSt Peter’s Hospital kunorapwa.
Nyaya dzose idzi dzinoita kuti tikahadzike kuti mweya rudzii wapinda mune vamwe vanhu munyika yedu ino? Chokwadi munhu angafire US$1 kana kufoira bvunzo? Kana iko kurova mwana ane mwedzi miviri yokuberekwa kungaitwe nemunhu ane dzakati kwesere here?
Gwaro rakaburitswa nemapurisa nguva pfupi yadarika rinotaridza kuti nyaya dzekupondana kana kuti kuurayana kwevanhu munyika dziri kuwanda.
Mapurisa anoti vanhu vanodarika 1 100 vakapondwa gore rapera mushure mekunetsana, nyaya dzakawanda dzacho dziri ndedzenhando, dzakaita sekuurayira munhu US$1 kana kuti chigaro chekugarira.
Gwaro rakaburitswa nemapurisa iri rinotaridza kuti muna 2023, vanhu vanosvika 1 085 vakafa nekupondwa kumativi mana enyika, apo gore rapera vaive 1 115.
Vanhu 953 vakasungwa nokuda kwemhosva dzekupondana gore rapera, nyaya dzerudzi urwu dzinosvika 487 dzikatongwa kusvikira dzapera, apo vasungwa vakapihwa mitongo yavo. Mapurisa anogara achikurudzira voruzhinji kuti vatsvage vayananisi vakadai semafundisi, masabhuku, makanzura kana madzishe chaiwo kuti vavayananise kana vachinge vatadza kunzwanana.
Kunyangwe iwo mapurisa zvakare ane chikamu chinobatsira kuyananisa vanhu kana vanetsana.
Ibasa remunhu wose kukoshesa upenyu hwemumwe.
Zvakakoshawo kuti voruzhinji vazive kuti kunze kwekusungwa mushure mekupara mhosva yekuponda munhu, pachivanhu unenge waparira mhuri yako ngozi zvakare, iyo inozopedza rudzi.




