‘Nziyo ngadzibatanidze voruzhinji’

Kingstone Mapupu

MUIMBI wemisambo yeChimurenga nejazz, Dickson Maponga (71), uyo anoita zvakare basa riri maererano nezvicherwa kuMt Darwin, mudunhu reMashonaland Central, anoti nziyo dzinofanirwa kubatanidza uye kusimudzira raramo yevoruzhinji.

Maponga, uyo anobva mumusha waSabhuku Mandaza, mudunhu raMambo Nyamweda, kuMhondoro, uye ari muridzi weApex 8 Gold Mine kwaSabhuku Vicky, kwaKandeya, anoti ari kuimba nziyo dzinosimudzira tsika nemagariro akanaka echivanhu.

Muimbi uyu anotungamirira chikwata cheJazz Millionaires uye anoti hakuna chinokunda kutevedza tsika nemagariro anoyemurika evanhu vatema.

Akabura dambarefu rake rokutanga mugore ra2008 rinonzi “Sevenza”, iro rine nziyo nhanhatu, dzinosanganisira dzeChimurenga nejazz.

“KuMt Darwin ndakaenda kunoshanda pamugodhi wangu, ndichitsvaga kushava. Kumusha kwangu kuMhondoro. Pane zvose zvandinoita, ndinozivisa madzimambo ekuno nevamwe, tichitevedza tsika dzedu. Kubva padambarefu rangu rokutanga ‘Sevenza’, ndakazokanganiswa munguva yechirwere cheCovid, ndave kuda kunotsikisa rimwe dambarefu idzva, ndokumira. Izvozvi ndave kurusimudzira. Ndine dambarefu risati rave nezita rine nziyo nhanhatu zvakare dzinosanganisira dzejazz nedzeChimurenga,” anodaro Maponga.

Anoti anotarisira kuriparura munguva pfupi iri kutevera uye rine kambo kari pamusoro pezveutsanana mumigodhi.

“Vaimbi tiripo kushambadza zvakanaka, setsika dzedu dzechivanhu, nekusimudzira ugaro hwakanaka hwevanhu vatema kuti vechidiki vagotevera tsika dzedu,” anodaro Maponga. “Munziyo dzangu, ndinokurudzirawo vechidiki kuti vasiyane nenyaya dzekutora zvinodhaka pamwe chete nekuita zveunzenza, kuitira kuti vachengetedze utano hwavo pose pavari.

“Vamwe vanhu vanotaura nezvechipfambi chinoitwa kunzvimbo dzemigodhi yezvicherwa, kurwisana vanhu vachipondana, kudhakwa nekushaya unhu kwakasiyana-siyana. Nokudaro, ndine nziyo dzandinoimba ndakanangana nekugadzirisa unhu hwakadaro.”

Anoti nziyo dzake dzinodzidzisa zvakare kukosha kwechivanhu.

“Chipo chekuimba chakabva kuna baba vangu, VaMuvirimi Chitombo Stone Maponga, avo vairidza ngorostina nepiano. Ndaiba, ndodzidzira ndoga kusvikira ndakazotenga yangu ndakura, nyaya dzekuimba dzikafambira mberi,” anodaro Maponga.

Anoti akasimudzirwa zvikuru nekuteerera nziyo dzevaimbi vanosanganisira Thomas “Mukanya” Mapfumo, uye vashakabvu Cephas Mashakada naOliver Mtukudzi.

“Vaimbi ava vakaita saMukanya naOliver Mtukudzi vanobva kuno kuDande (Mashonaland Central) vakandisimudzira zvikuru. Ndakakura ndichienda kuchibhanduru kana kuti kupfonda, uko kwaiimbwa jiti, kusvikira kumhuri yekwaDzumbunu, kwedu kwaNyamweda, iyo yakaumba chikwata chainzi Dzumbunu Choir, icho chairova nziyo dzaisanganisira ‘Chikwama Chababa Chine Madhora’.

“Ikurudziro yangu kuti mhuri yekwaDzumbunu imutsiridze chikwata ichi musambo wedu wechinyakare wejiti usafe, sezvinoita vaimbi vekwaMurewa nevamwewo venziyo dzechinyakare,” anodaro Maponga.

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *