Vechidiki siyanai nezvinodhaka: VP Chiwenga

Muchaneta Chimuka

MUTEVEDZERI wemutungamiri wenyika, Dr Constantino Chiwenga, vanoti zvakakosha kuti vechidiki vasiyane nekatsika kekutora zvinodhaka sezvo vari ivo vatungamiri vemangwana.

Vakataura mashoko aya nemusi weMugovera wadarika apo vaiparura academic opening assembly yeArrupe Jesuit University.

VP Chiwenga vakarumbidza zvakare Jesuit Society nekereke yeRoman Catholic nebasa guru ravari kuita mukusimudzira dzidzo yepamusoro munyika.

“Chikoro chino chakakosha zvikuru sezvo chichipa unyanzvi hwedzidzo yakasiyana-siyana kune vechidiki vemunyika ino nevekunze, uye ndinofara zvikuru kuti chiri pasi pekereke, nokudaro vadzidzi vanofundiswa maringe netsika nemagariro akanaka. Kune vechidiki, ndinoti siyanai nekutora zvinodhaka nokuti zvinokanganisa utano hwenyu pamwe nebudiriro yenyu,” vanodaro.

Dr Chiwenga vanoti yunivhesiti iyi ine hwaro hwainotevedza hwekuumbiridza unhu hwemunhu mupfungwa pamwe nepanyama, izvo zvinobatsira mubudiriro yenyika.

“Yunivhesiti ino yakavambwa yakazvimiririra nomusi wa1 Chikumi, 2020, saka ndinofara kuti iri kuramba ichienderera mberi nekuwanisa vadzidzi dzidzo yemhando yepamusoro, izvo zvinofambirana nehwaro hweHurumende hwekuona kuti mwana wose awaniswa dzidzo inobatsira mukusimudzirwa kweupfumi hwenyika nemaindasitiri uye Vision 2030,” vanodaro.

Vachitaura nemunyori uno parutivi, vamwe vevadzidzi vepayunivhesiti iyi vanoti vane tarisiro yekubudirira muzvidzidzo zvavo.

“Ini ndinofara zvikuru kuva mudzidzi mutsva wepayunivhesiti ino nokuti ndichange ndichidzidza zvakawanda zvichabatsira muraramo yangu neyevamwe vandichange ndichishanda navo mumaindasitiri patinenge tapedza dzidzo. Dzidzo yakakosha nokuti inosandura mafungiro nemaitiro, ichiita kuti munhu afambe negwara rakanaka,” anodaro Clara Mutsvangwa, uyo ari kuita zvidzidzo zvesocial work.

Tinotendaishe Mudede, uyo ari kuita zvidzidzo zveICT (informtion and communication technology) software engineering, anoti anotarisira kuve neramangwana rakajeka semwanasikana ari kuita zvidzidzo zvinofambirana nenguva yeruzivo rwechizvinozvino rweindaneti.

Sister Tariro Ncube vanoti vanotarisira kuve mudzidzi achakura muchitendero, vachiwana dzidzo yakadzama munyaya dzekufambiswa kwemabhizimusi.

Brian Murgor — uyo anobva kuKenya, uye akauya kuzoita zvidzidzo zveMaster’s in Philosophy payunivhesiti iyi — anoti dzidzo inowaniswa pachikoro ichi ndeyemhando yepamusoro, ichikoshesa zvakare unhu hwakanaka.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *