Munyori weKwayedza
UNOGONA kuti hazvina maturo, kana uchida.
Zvinonetsa kunzwisisa kuti sei Marvelous Nakamba akasarudza kuenda kuSheffield Wednesday nomusi weMuvhuro svondo rino kana pachitariswa matambudziko akatarisana nechikwata ichi mwaka uno.
Zviri pachena kuti ukama hwaNakamba neLuton, yaainge achitambira, hwaive husina kumira zvakanaka.
Nyaya yemari yaanotambira yakagara ichinetsa kubva apo chikwata ichi chakaburitswa muPremiership kuenda muLeague One mumwaka yakatevedzana.
Akange asina imwe sarudzo yokuita asi kubva kuchikwata ichi.
Kusarudza kwake kuenda kumaOwls, sekuzivikanwa kunoitwa Sheffield Wednesday nevatsigiri vayo, chakave chishamiso chikuru.
Hongu, kuenda kuchikwata ichi kuri nane pane kunotambira Simba Bhora, uko ainzi ndiko kwaari kunanga zvichitevera mashoko aitenderera padandemutande mazuva adarika, nokuda kwemufananidzo waakatorwa gore rapera aina Simba Ndoro (mukuru weSimba Bhora).
Nakamba anogona kuona sokuti kuenda kuSheffield Wednesday kuchamupa mukana wekutamba nhabvu, izvo zvaange asisiri kuita kuLuton.
Asi zvinotaridza sokuti hazvina musoro kuti mutambi anobva kuchikwata chiri muLeague One achienda kune chimwe chakatarisana nekuenda kuLeague One zvakare mumwedzi mitatu iri kutevera.
MaOwls ane nhoroondo yakapfuma — akahwinha mukombe weFA Cup kanokwana katatu.
Asi mamiriro akaita zvinhu kuchikwata ichi parizvino haana kunaka zvachose, izvo zvakaita kuti vatungamiri vacho
vatemerwe zvirango mushure mekukundikana kubhadhara vashandi mari yavo.
Kutadza kubhadhara vatambi uku kwakaita zvakare kuti varambe kutamba mumwe mutambo wavo weushamwari.
English Football League yakabvisira chikwata ichi mapoinzi 12 zvichitevera nyonganyonga yaiitika muutungamiriri hweSheffield Wednesday.
Chikwata ichi chahwinha kamwe chete mwaka uno, 2-0 nePortsmounth, muna Gunyana, hachisati chahwinha mitambo 24 yadarika uye chakundwa mumitambo minonwe.



