Tadious Manyepo
MARVELOUS NAKAMBA anoti vatambi vemaWarriors vari kuenda vachijairira nzira dzinoshandiswa nemurairidzi wavo mutsva, Marian “Mario” Marinica, uye kaputeni wechikwata chenyika uyu anovimba kuti Zimbabwe ichatamba zvakanaka mumitambo iri kutevera yeAfrica Cup of Nations (AFCON) finals kuMorocco mwedzi unotevera.
Mitambo iyi iriko kuMorocco kubva musi wa21 Zvita 2025 kusvika 18 Ndira 2026.
Zimbabwe yakashamisa pasi rose apo yakakunda shasha yekuAsia, Qatar, 2-1 mumutambo weushamwari muAbdullah bin Khalifa Stadium, kuDoha, nomusi weMuvhuro svondo rino.
Uyu waive mutambo wechipiri Marinica achitungamirira chikwata chenyika ichi mushure mekuona maWarriors achikundwa 3-1 neshasha yemuAfrica, Algeria, kuJeddah, Saudi Arabia, svondo rapera.
Asi basa raari kuita rave kutoonekwa, kunyanya mumutambo wechipiri, apo maWarriors akataridza unyanzvi hwawo, kusanganisira kunwisa kwakaitwa naTawanda Chirewa, izvo zvakaita kuti pave nezvibodzwa zvine chiremerera.
Zvisinei, pange paine zhowezhowe pamusoro penzira dzinoshandiswa naMarinica kurairidza maWarriors, vamwe vachiti hapana wirirano pakati pechizvarwa chekuRomania ichi nevatambi.
Asi Nakamba, nomusi weChipiri svondo rino, akapembedza murairidzi uyu, uyo akambotungamirira chikwata cheMalawi necheLiberia, achiti anokoshesa maitiro ake okuti mutambi wose anzwisise nzira dzaanoshandisa pakurairidza.
Mutambi wepakati weLuton Town uyu anoti: “Chokutanga, regai ndikorokotedze chikwata chose nekuzvipira kwacho, izvo zvakaita kuti tikunde Qatar.
“Wakange uri mutambo mukuru uye taifanirwa kuita zvinotarisirwa panguva iyi, kunyanya tichitarisa kuti takakundikana kuhwinha kunyangwe mutambo mumwe chete kwenguva inodarika gore.
“Vakomana vakatamba nemwoyo wose uye zvakafadza kuvaona vachipemberera kuhwinha kwavo mushure menguva yakareba. Mutambo wedu neAlgeria waigona kuhwinika, asi tainonoka mumatambiro ataiita
“Murairidzi mutsva (Marinica) akazivisa zvaanotarisira nenzira yakajeka uye munhu wose ari kufara. Ari kushanda zvakanaka chose nevakomana.
“Mashoko ake kubva pakutanga haana kuoma uye akajeka. Chikwata chakazvitambira zvakanaka. Iyi ndiyo nzira yatinofanirwa kufamba nayo uye tose tiri kushuvira kuita zvakanaka kubva zvino tichienda mberi,” anodaro.
Nakamba aive akagara pabhenji uye haana kutamba mumutambo wemaWarriors neAlgeria. Mutambi wekumashure, Gerald Takwara, ndiye aive akabata chinzvimbo chakaputeni.
Nakamba, uyo akambotambira Aston Villa, akatamba mumutambo wechikwata chenyika ichi neQatar apo Marinica akaita kuti abatsirane neJonah Fabisch pamwe chete naSean Fusire.
Akatamba zvinonwisa mvura, zvaakange asati amboita achitambira maWarriors.
Achitaura nekubatsira kwaakaita mumutambo uyu, Nakamba anowedzera achiti: “Tinofanirwa kupa rumbidzo kumurairidzi nenzira dzaanoshandisa. Takazama kutamba sezvaaive atiudza. Akandiudza kuti nditsigise chikwata nekuzvibata ndiri pachinzvimbo changu. Ndakaramba ndiri munzvimbo yemunhandare yandinofanirwa kutambira uye ndinodawo kutenda vatambi vechidiki vaive vakandikomberedza. Vaive nechidokwadokwa chekutamba bhora uye kuritora kubva kune vataikwikwidzana navo.
“Zvinhu zvose zvakapedzisira zvoshanda zvakanaka chose. Ndakayemura kuzvipira uye chidokwadokwa chakataridzwa nemunhu wose. Wakange usiri mutambo waive nyore, kutamba nechikwata chinozivikanwa kuti chiri pamusoro pedu maringe nematambiro pasi rose. Musakanganwe kuti Qatar iri panhamba 52 pakati pezvikwata zvinotamba nhabvu inodakadza pasi rose uye isu tiri panhamba 129.”
Nakamba achangobva mukupora mushure mekukuvara kwakanyanya kwaakange aita. Ane tarisiro yokuti achawana mukana wekutamba mitambo ine chitsama kuLuton Town asati atungamirira maWarriors kuAFCON.



