Namatirai runyararo: Hungwe

Pauline Matanda —
MUMIRIRI weDzivarasekwa mudare reNational Assembly, Cde Omega Hungwe, vari kukurudzira vemachechi kuti vanamatire runyararo munyika munguva yesarudzo idzo dzichaitwa gore rinouya.

Vakataura mashoko aya muHarare nguva pfupi yadarika pagungano remabiko ekuunganidza mari iro rakaitwa nevechechi yeMethodist Church in Zimbabwe.

Vanoti kuvepo kwevatsigiri vemapato ezvematongerwo enyika akasiyana hakufanirwe kushandiswa senzira yekuti pave nemhirizhonga panguva yesarudzo.

“Tose tiri zvizvarwa zveZimbabwe uye tinozivikanwa nekuve nyika ine runyararo. Sechechi, munofanira kunamatira runyararo munyika panguva yesarudzo dziri kuuya,” vanodaro Cde Hungwe.

Vanokurudzirawo kutendeka nekuvimbika muwanano uye kuti madzimai vazviise pasi pevarume vavo sezviri mushoko raMwari.

Cde Hungwe vanoti vanamati vanofanira kupa mucherechedzo wakanaka mukurarama kwavo.

“Wananano chido chaMwari uye kutya Mwari kunochengetedza wanano. Vanhukadzi vanofanirwa kuzivikanwa nekubatanidza mhuri, vana vedu vanofanira kutiyemura isu sevabereki. Makafanana nemoto wakabatidzwa uri pamusoro pechikomo apo munhu wose anokuonai,” vanodaro Cde Hungwe.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, Reverend Douglas Mukoki, vanotenda vanhukadzi vemuchechi iyi vari pasi peboka reRuwadzano nekuita gungano iri.

Pamabiko aya paive nevanhu vanosanganisira vamwe vakuru-vakuru vekuUniversity of Zimbabwe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×