‘N’anga dzinotanga dziri maporofita’

ZVICHAKADAI, VaChisanyu vanoti munhu mutema haakwanise kuzvipatsanura kubva munyaya dzechivanhu. “Munhu mutema, munhu mutema chete. Nokudaro kuti uve munhu zvinobva kuchivanhu nemadzitateguru ako. Hongu vanhu vangaende kwese kumachechi asi chivanhu chinovatevera ndiko kusaka muri kuona mamwe maporofita achiti akaenda kunoitwa zvemidzimu vanobudirwa.

“Vamwe vanongoenda kumachechi kuri kutsvaga vanovaviga bedzi. Chikamu che60 percent chen’anga dzedu vanotanga vari maporofita uye kashoma kuti n’anga ibve kuhun’anga ichienda kuchechi,” vakadaro VaChisanyu.

“Handiti munoona muporofita achishandisa tsvimbo, mbiya, mvura, matombo, tsono, mazai, micheka mitsvuku nemichena? Kana isu vechivanhu tinoshandisawo izvozvo.

“Kuchizoti pakupira n’anga inotanga yanamata ichiti ‘kunemi Mwari nevadzimu vangu’ apowo vaporofita vachiti ‘Mwari nemudzimu unoyera’ kureva kuti tose tinoremekedza zvinhu zvimwe chete, kungosiyana bedzi kwemazita ebasa asi tiri vamwe,” vakadaro. Vanoti kumasowe vanhu vanobvisa shangu uye hakudiwe zvinhu zvinopenya kana mafoni sezvinongoitwawo kun’anga.

“Mamwe masimba anoshandiswa nevanhu kuchechi kuti vagone kufembera, kuporofita nekupa vanhu tsanangudzo vanouya vachiatora kwatiri n’anga. Vamwe vanotouya vachichema kuti vanhu vave kuita vashoma uye mari hadzichakandwa, tovapa simba rekukokera vanhu pamwe nekuti varemekedzwe sevakuru vechechi.

“Tinoshamisika tave kunzwa vamwe vemachechi vachishora varapi vechivanhu vachiti havana maturo uye vakan’ora izvo masutu avo tinoachisa nemishonga yedu vasati vaenda kusvondo,” vakadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×