GRADE 7: Zvinodiwa pabvunzo

Ticha Danga
TINGAGONE kuridimura zvirungamutauro kana kutaura mutauro unotapira sei asi tisingagone kutevedzera manyorerwo chaiwo anotipa goho rakakora, zvatinenge tashanda zvinoshaya basa kana bvunzo dzasvika.

Izvi zvinoreva kuti zvataswedera mubvunzo kudai, tinofanirwa kunge toziva manyorerwo chaiwo anodiwa kuti tigokohwa pakuru.

Ndingade kutanga nekuburitsa pachena kwakananga nyaya yangu kuti chii chaizvo chatinotarisirwa kuita kana kugona.

Mwana wegwaro rechinomwe anotarisirwa kunge ogona kubatanidza nekupatsanura mazwi zvakakodzera. Anotarisirwa zvakare kugona kuziva panoshanda vara kana kuti bhii guru (capital letter) uye kushandisa nyora (punctuation).

Vana vazhinji nevamwe varairidzi vanofunga kuti zviri nyore kupindura mibvunzo yenzwisiso. Vana vanozoridimuka pabvunzo apo vanokwenya mapepa vanenge votevedzera zvinodiwa.

Zvino chikamu chino ndinoda kuchivarura nepepa iroro renzwisiso.

Nzwisiso inoda kuti mwana averenge agonzwisisa zvekuzokwanisa kupindura mibvunzo nechiShona chamandorokwati muzvirevo zvizere. Ipapo panoongororwa zvakare mashandisirwo emavara makuru, zvimiso uye twunyora.

Mwana akasiya asina kuisa chindaguma (full stop) anodonhedza chibodzwa. Akanyora zvakare chirevo chizere achitora kubva mundima semanyorerwo achakaitwa anodonhedza zvakare zvibodzwa. Nokudaro mwana anofanirwa kudzidza kutevedza izvi kana achipindura nzwisiso.

Ndinoda titsokodzere tigosakura nekuzunza nyaya yekubatanidzwa kwemazwi nekuti ndipo panofira rudhende rwevana munguva yebvunzo. Vana vanofanirwa kuziva kuti tine mamwe mazwi anonyorwa akabatana kozoita mamwe anonyorwa akapatsanurwa. Tine mitemo inokwana kuita gumi nemina inobata patsanuro nebatanidzo yamazwi.

Mazita ose zvawo anonyorwa akabatanidzwa sekuti Danga, Chikonamombe, nzvengamutsvairo bvudzijena, chibayamoyo kana kuti mavirazuva. Vana vazhinji vanopatsanura mazita sekuti “mabva zuva”, “chibaya moyo”, “chinzvenga mutsvairo”. Mutemo uyu wekunyora unobata chete mazita asingadzokorodzwi.

Mamwe mazita anonyorwa achidzokorodzwa sezita rose asi pasina kuumbwa kwezita idzva. Mazita akadai anonyorwa akapatsanurwa sekuti padiki padiki, zvino zvino, mbai mbai kana kuti vakuru vakuru.

Zvinosiyana nemazita aya anodzokorodzwa dzitsi (stem). Mazita anodzokorodza dzitsi uye aine nyaudzira (syllables) dzisingapfuure mbiri ndeakafanana neanoti mutsvukutsvuku, zidemadema, chikobvukobvu, rungwanangwana kana padengadenga.

Pane mazwiwo anonyaudzira dzedzitsi rakadzokorodzwa dzinopfuura mbiri. Mazwi aya anonyorwa zvikamu zvezita zvakaparadzaniswa nekasungazwi (hyphen). Ndiwo mazita akafanana nana Chamazunze-muzunze, mangwanani-ngwanani kana kuti chamutsunye-mutsunye.

Mwamwewo mazita anonyorwa achidzokorodzwa seizwi rose asi kudzokorodzwa kwacho kuchiunza izwi idzva risingarevi zvanga zvichirehwa nezwi radzokorodzwa riri roga. Mazwi haapatsanurwi asi kuti anonyorwa seizwi rimwe chete sekuti mhandapanda, mesomeso, chimbichimbi kana mheremhere.

Chirongwa chebatanidzo yemazwi chakati rebei nekudaro tichatora zvimwe zvikamu zviri kutevera nechirongwa ichochi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×