‘N’anga, maporofita enhema hokoyo!’

VaFriday Chisanyu
VaFriday Chisanyu

SANGANO rinomirira n’anga, maporofita navananyamukuta, reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA) rakatanga chirongwa chekuongorora nhengo dzaro nedonzvo rekuona kuti dziri kutevedzera mutemo here pamwe nekushanda nemazvo.

Mukuru wesangano iri, VaFriday Chisanyu, vanoti ongororo iyi inotevera nyaya dziri kubuda dzemamwe maporofita nen’anga vari kushandisa marezinesi echikiribidi.

“SeZINPA tinopa machiremba echivanhu magwaro ekuita basa, vangava maporofita, n’anga, vananyamukuta nevanongorapa nemishonga yechivanhu. Takaona zvakakodzera kupota tichitevera machiremba aya kuti tione kuti vari kurapa sei uye tikaona paine kutsautsira tinotora magwaro edu, chiremba wacho tomudzinga musangano redu,” vanodaro VaChisanyu.

Vanoti vane bumbiro remutemo rinofanira kutevedzerwa nenhengo dzavo mumashandiro avo.

“Tinoshanda nesangano reHurumende reTraditional Medical Practitioners Council iro rinotipa masimba ekudzinga machiremba aya musangano redu kana taona vachitsaudzira. Vanatsikamutanda vanotorera vanhu zvipfuyo zvakaita semombe nezvimwe, pakadai hatina maitiro, tinovatorera zvitupa,” vanodaro.

“Tine nyaya zvakare dzatinadzo dzekuMhangura, dzemhuri yakatorerwa mombe 9 nezvirimwa zvose vachinzi vairipa kubvisirwa huroyi pamba pavo.

“Tine dzimwe n’anga dzatakadzinga musangano redu kuHurungwe nekune dzimwe nzvimbo.

“Hatisi kuti vanoda kutora zvitupa zvekurapa tinovarambidza, ngavauye vazopihwa asi vatanga vaongororwa nenyanzvi dzedu kuti machiremba echokwadi here.”

VaChisanyu vanokurudzira madzishe, masabhuku nevamwe vatungamiri kuti vamhan’arire n’anga nemaporofita vane huwori kumapurisa kana kusangano ravo kuitira kuti vasungwe.

“Mhan’arirai vanhu ivava nekuti n’anga, maporofita nevamwe vanozviti vanobatsira vanhu asi vari matsotsi vawanda zvikuru munyika.

“Vanoda kutaura neni vanogona kuridza nhare pa0772 874 654 kana 0735 840 265,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *