N’anga, maporofita vorwisa gukuravhu

Kingstone Mapupu

MASANGANO anomirira machiremba echivanhu munyika muno eZimbabwe National Practioners Association (ZINPA) neZinatha akaparura zvirongwa zvekuchengetedza masango nekuvandudzwa kwevhu kumatunhu ose enyika nedonzvo rekurwisa gukuravhu iro riri kukonzera kuzara kwenzizi zvichidzosera mabasa ekurima kumashure.

Kuparurwa kwezvirongwa izvi kunotevera kupomerwa kunogara kuchiitwa n’anga nemaporofita nevamwe varapi vechivanhu kunzi vanoparadza zviwanikwa zvakaita semiti, huswa, madziva nezvimwe mubasa ravo rekurapa vanhu.

Sekuru Friday Chisanyu vanotungamirira ZNPA vanoti vari kushanda pamwechete nebazi rinoona nezvekurima  nemasangano anotsigira nyaya dzekurima mukuchengetedza masango nezvimwe zviwanikwa.

“Inyaya inogara ichitaurwa kuti n’anga nemaporofita nevamwe varapi vechivanhu vanoparadza zviwanikwa. Saka takaparura chirongwa chekuchengetedza zviwanikwa zvose kubvira kumiti, ivhu, huswa, madziva nemadhamu,”  vanodaro Sekuru Chisanyu.

Vanoti mumapurovhinzi ose vane makomiti avakaumba ekuchengetedza zviwanikwa.

“Takatanga nekuumba makomiti anomirira mapurovhinzi, ndokuumba emadistricts. Izvozvi tiri kufamba tichiumba makomiti anomirira matunhu emadzimambo tichisvikawo kumasabhuku. Kureva kuti hapana watiri kusiya munyaya dzekuchengetedza zviwanikwa,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti masango ari kuparadzwa nenzira dzakasiyana dzinosanganisira kupiswa nemoto nekutemwa kwemiti zvisina tsarukano uye machiremba echivanhu anotsvagawo mishonga yavo mumasango.

“Varimisi tiri kushanda navo zvakasimba kuti tichengetedza zviwanikwa sezvo tichirapa nezvinobva mumvura, musango nemuvhu. Idonzvo redu kuti zvinhu izvi zvirambe zvakachengetedzeka, gukuravhu sen’anga hatidi kuriona. N’anga dzedu nemaporofita tine mutemo watakavapa wekuti pamwedzi woga-woga vanofanirwa kudyara miti inobvira pamiviri kusvika pamishanu uye izvi zvinotariswa nemakomiti atakaumba aya,” vanodaro.

Sekuru Chisanyu vanoti kubva pavakaparura chirongwa ichi mumwedzi waZvita gore rakapera, nhengo dzavo dzakadyara miti inodarika 10 000 munyika yose uyewo vari mubishi kufushira makoronga kwakasiyana.

“Nhengo dzedu dziri kufamba dzichifushira makoronga vachidyara konji nehuswa hunosimbisa ivhu. Tinoshandisa tsanga nemahapa mukurapa uyewo garadziva nekudaro hatibvumidze kudzurwa kwetsanga kumahombekombe enzizi sezvo zvichikonzera gukuravhu,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemukuru wesangano reZinatha VaGeorge Kandiyero vachiti, “Nhengo dzedu dziri mubishi kudyara miti, mishonga yemaruva, kuvhara makoronga nekuchenesa madziva. Hatidi kuona vanhu vanosungirira machira mumiti kana kubairira mapakatwa pamiti nekuti inofa miti iyi. Honai mamiriro ekunze ave kusanduka mimwe miti yave kuoma mimwe ichiparadzwa nedutu.” vanodaro VaKandiyero.

 

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *