‘Parafini haibvise utachiona’

Daphne Machiri

VOTAURAWO nezviri kuitika, Dr Takudzwa Mutsvanga, avo vanova chamangwiza weQueen Mary Bio Tech Laboratory Medical Institute, vanoti vanogera misoro kana vanoshandisa zvine chekuita nesimbi mukugadzira misoro vanofanirwa kutevedzera zvinodiwa maringe nekuuraya utachiona pamwe nemishonga chaiyo inoshambidza zvigero nezvimwe.

“Takatarisana nezveutano, hatikurudzire zvakaita separafini kuuraya hutachiona.

“Chinoshandiswa ndezviri mubandiko re ‘alcohol’ inova ‘spirit’ pamwe nekuisa mumichina yatinoti ‘sterilising machine’ iyo ine mwenje unonzi Ultraviolet light (UVL) iro rinopisa utachiona.

“Kune vamwe vave kuita zvechitsotsi, vanotenga maraiti asiriwo uye vamwe vanoisa anoshandiswa mudzimba asina UVL. Izvi zvinounza matambudziko akaita sekuzotapuriranwa kwezvirwere zvatinoti pachirungu fungal skin infections,” vanodaro.

Vanotiwo kushandisa parafini pazvigero kune njodzi kuutano hwevanhu.

“Zvigero izvi zvinogona kutokanganisika nekuda kweparafini iyoyo zvekuti chikacheka munhu, pane mukana wekukonzera zvirwere zvakaita seHepatitis kana gomarara,” vanodaro.

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzeutano, Dr Solomon Guramatunhu, nguva yadarika vakabuda muKwayedza vachikurudzira vanhukadzi kuti vasiyane nekurukwa misoro newivhi (weave) sezvo rimwe vhudzi racho richinzi rinobva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze.

Dr Guramatunhu vanoti kunze kwekuti rimwe vhudzi rewivhi rinenge ragerwa mumisoro yevanhu vakafa, rimwe racho rinenge riine makonye kana kuti honye.

Vanoti izvi ndizvo zvinoita kuti munhu ane wivhi mumusoro make agare achivaviwa kana kungonzwa kuda kukwenya musoro.

Communications and Advocacy Officer weSangano reZimbabwe AIDS Network, Hazel Zemura, anoti mukana wekutapurirwa nekupararira zvirwere wakakura mumusaloon nekuda kwekusashambidzwa nemazvo kwemidziyo inoshandiswamo.

“Mazuva ano zvave kunetsa ndezvekuti vanoita mabasa aya nekuda kwekunetsa kwemari, havachakwanisa kuita nemazvo mukuchengetedza utano hwevanhu.

“Vazhinji vavo havachauraya utachiona hunenge huri pazvigero zvavanoshandisa, vave kungogera nekutsvaga mari vasingakoshese utano hwevanhu,” anodaro Zemura.

Anoti hutachiona hweHIV hunowanza kugara pane hunyoro.

“Nekuda kwekuti isimbi, utachiona hune mukana wekugara pazvigero.

“Kune inonzi Clippercide Spray iyo yatinokurudzira kuti vemasaloon vashandise, kwete spirit neparafini,” anodaro Zemura.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×