Tendai Gukutikwa
MAMBO Mutasa vekudunhu reManicaland vanoti imwe n’anga yekuMozambique, iyo yave kugara kuDangamvura kwaMutare, inofanirwa kuroyonora murume akarwara mushure mekumushandisira mhiko dzayo apo aipomerwa kuti akabira mumwe mudzimai asi zvikazobuda pachena kuti haana mhosva yaakapara.
Izvi zvinotevera kureurura kunotyisa kwakaitwa nemumwe mudzimai wekuHobhouse kwaMutare kwakare, uyo akabvuma kuti akaenda kun’anga ndokukonzera kuti murume uyu ashandisirwe mhiko dzakazomurwisa achimupomera kuti akamubira chigayo chake chegoridhe.
Nyaya iyi yakatanga apo Barbra Kembo wekuToronto kwaMutare aipomera Stella Mwakasikeni mhosva yekuroya mwanakomana wake, Blessing Kembo, uyo waaifungidzira kuti akaba chigayo chake chegoridhe.
Mwakasikeni akazoita shanduko inoshamisa mudare, apo akareurura kuti zita raBlessing rakanga rataurwa nen’anga yekuMozambique paakaenda kunobvunzira achitsvaga kubatsirwa mushure mekubirwa chigayo chake.
“Chokwadi chigayo changu chegoridhe chakabiwa, pandakaenda kuMozambique, n’anga yakandiratidza munhu ainzi imbavha uyo ane chiso chaibuda mugirazi. Saka ndakatenderana nen’anga iyi kuti ienderere mberi nehurongwa hwekuita mhiko dzekutsiva kubirwa kwandakaitwa,” anodaro.
Mwakasikeni akaenderera mberi achibvuma kuti pane kushereketwa kwakaipa kwakange kwaitwa pana Blessing nen’anga iyi.
“N’anga iyi parizvino iri kuDangamvura, uye ndiyo yega inogona kushandura mhiko dzayakaita. Ichokwadi kuti pane zvakaitwa,” anodaro mukureurura uko kwakatsamwisa zvikuru vemhuri yakwaKembo, avo vakasimbirira vachiti Blessing atambudzwa kwemwedzi yakawanda nekuda kwemhiko dzakaitwa mushure mekupomerwa mhosva yaasina kupara.
Mambo Mutasa vakashora zvakanyanya kushandiswa kwenzira dzemhiko dzekutsiva kuburikidza nemishonga pasina umbowo hwakakwana uye vakayambira veruzhinji kuti vasamhanyire kuranga vanhu nenzira dzakadai.
“Wabvuma kuti zita remukomana uyu rakataurwa uye pane zvakaitwa. Ichi ndicho chikonzero vanhu vasingafanire kumhanyira kuranga vanhu nenzira dzine chekuita nezvemweya,” vanodaro.
Mambo Mutasa vanoenderera mberi vachiti vanhu vazhinji vasina mhosva vanopedzisira vatambura nekuda kwekushereketerwa kwemhando iyi.
Vanoti mhuri mbiri idzi dzinofanirwa kufamba pamwechete kuenda kuDangamvura uko kunonzi kune n’anga iyi kuitira kuti iroyonere Blessing.
“Munofanira kuenda mese munoonana nen’anga iyi, kana pane zvakaitwa ngazvigadziriswe, mushure mezvo dare rino richazoenderera mberi nenyaya iyi,” vanodaro Mambo Mutasa.
Barbra akaudza dare kuti hurwere hwemwana wake, uho husina kutsanangurwa, hwakatanga mushure mekunge chigayo chegoridhe chaMwakasikeni chabiwa.
Blessing anonzi akazoita marwadzo akanyanya emudumbu, uye akaendeswa kuchipatara, uko vanachiremba vakamuongorora ndokuona aine dambudziko rechirwere cheAppendix.
Akaitwa oparesheni uye ndokuzoburitswa muchipatara.
“Mwana wangu airwara vanachiremba vakati ane dambudziko reAppendix apo akazovhiyiwa, uye pane chimwe chinhu chakabviswa. Akaburitswa akave nani, uye isu takafunga kuti dambudziko iri rakanga ragadziriswa,” anodaro Barbra.
Asi, mushure memazuva mashoma Blessing anonzi akatanga kunzwa marwadzo panzvimbo yainge yaiswa machubhu panguva yekuvhiyiwa. Vemhuri yake vakamhanya naye kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital, uko akanoongororwazve.
Barbra anoti mukutsvaga kuti dambudziko remwana wake raibva kupi, shamwari dzepedyo dzakamuudza kuti Mwakasikeni akange abuda pachena kuti ndiye akakonzeresa kutambura kwaBlessing achimupomera kuti akanga amubira chigayo chake chegoridhe.
“Hanzvadzi yangu yakazoudza amai vedu kuti Mwakasikeni ndiye akanga akonzeresa dambudziko raive nemwana wangu. Anonzi akaita izvi nekuti aifunga kuti ndiye aive amubira chigayo chake chegoridhe,” anodaro Barbra.
Anoti Blessing ari kuramba mhosva yaari kupomerwa iyi.
Nyaya iyi payakatanga kupinda mudare, Mwakasikeni akabvuma kuti akaita izvi mushure mekubirwa asi akati akange asingazive kuti ndiani akamubira.
Akatsanangura kuti mushure mekunge chigayo chake chegoridhe chabiwa, akafamba kun’anga kuChipinge uye ndokuzoenda kuMozambique.
Barbra anoti mwanakomana wake akanga asina mhosva uye chakanyanya kukosha kuti utano hwake hudzokedzane.
Blessing akaudzawo dare kuti haana kuba chigayo chegoridhe ichi.
“Ndakamboudza dare rino kare kuti handichatyairi uye handina rezinesi rekutyaira, hapana kana chandakamboba. Dai ndakachiba ndingadai ndatoreurura nekuti zvandakasangana nazvo zvinorwadza.
“Hapana chikonzero chekuti ndinyarare kana ndine mhosva,” anodaro, achiwedzera kuti akarwadziwa zvikuru kuziva kuti zita rake rainzi rakashandiswa kun’anga kuburikidza nekuitira mhiko.



