Nbsz yofambisa mashoko nyore

Mathew Masinge
SANGANO reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), iro rinoona nezvekuchengetedzwa pamwe nekufambiswa kweropa munyika, svondo rapera rakapihwa michina mitsva yekufambisa mashoko nechimbi-chimbi yeVoice over Internet Protocol (VoIP) inokosha mari inodarika $6 000 nekambani yeStandard Global Communications (SGC).

Vachitaura pakugashidzwa kwemichina iyi, chamangwiza weSGC, VaCornwell Nemberi, vakati ichange ichibatsira mukudzikisa mari inobhadharwa pakushandisa nhare kumahofisi eNBSZ.

“Ndinoda kutenda zvikuru ndichiratidza kufara kwatiri kuita seSGC, nhasi taunza shanduko huru ichange ichibatsira vashandi veNBSZ kuita basa ravo mumahofisi avo akatenderedza nyika yose. Michina iyi ichange ichiita kuti mashoko afambe nechimbi-chimbi kana kune kwashomeka ropa kana kunodiwa ropa panguva iyoyo,” vakadaro.

VaNemberi vakati michina iyi ichawedzera kufambiswa kwemashoko nezvidimbu zvishanu kubva muzana.
“Michina yeVoice over Internet Protocol iyi ichasimudzira kufambiswa kwemashoko kwagara kuripo mumahofisi aya ne50% uyewo ichidzikisa mari yaibhadharwa pakushandisa nhare dzavo ne50%. Michina iyi ichange ichikwanisa kuti pave nekufonerana pachena mumahofisi avo chete,” vakadaro.

Vakati kambani yavo yakatotanga kuisa michina iyi kumahofisi eNBSZ munyika yose.
“Kutaura kuno michina iyi takatoiisa pamuzinda weNational Blood Services Zimbabwe nepahofisi yavo iri paJoina City, muHarare. Takaisazve kumahofisi avo ari kuBulawayo, kuGweru, kuMasvingo neMutare zvekutoti kutaurirana pachavo nekufambisa mashoko achiuya pano pamuzinda zvava nyore,” vakadaro.

Mukuru webhodhi reNBSZ, Retired Justice Leslie Smith, vakatenda kambani iyi nerubatsiro rwayo.
“Sasachigaro webhodhi reNBSZ, ndinoda kutenda VaNembere nevavanoshanda navo ndichiti vakatigonera zvikuru pakushanda kwedu. Taitonetsekana kuti mashoko edu asvike kune mamwe mahofisi edu dzimwe nguva kana nhare dzichiramba kushanda.

“Iye zvino upenyu hwedu hwava nyore, tava kusvitsa mashoko nenguva uye tava kushandisa mari shoma pakuita basa redu.
‘‘Ngavarambe vachiita izvi kuitira kuti nyika yedu isimukire,” vakadaro.

Vakatorawo mukana uyu kukurudzira veruzhinji kuti varambe vachipa ropa kusangano ravo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×