Kingstone Mapupu
MUPOROFITA uye wechechi yeJohane Masowe weChishanu, wekumindamirefu yeShanga, kuBeatrice, uyo akavimbisa kuti chitunha chemukuwasha wake chichamuka mushure mekuita husiku hwose achichitova asi mapipi ake ndokushaya basa, iye zvino ave kuti “ngirozi ine dare renyaya iyi yave pedyo kusvika”.
Chipo chemasvondo matatu muporofita uyu avimbisa kuti mukuwasha wake achamuka mukati mesvondo rimwe chete afa zvichitevera minamato yake nekutova chitunha nemvura inopisa husiku hwose, hama dzemufi dzakangoringa nzira inobva kumakuva asi chabuda hapana.
Madzibaba Phillemon “Mikrage” Madhara (35) svondo rapera pamberi akaita husiku hwose achinamatira mutumbi waEddison Gunda (42) apo aibatsirwa nevamwe vake vachiti vaida kumumutsa.
Vapedza kutova nekunamatira chitunha ichi, mvura yavainge vashandisa yakazongoita “makumbo” ndokubva yashaikwa nehama dzemufi.
Madzibaba uyu ihanzvadzi yaSpiwe Madhara (36), uyo anova mudzimai wemushakabvu.
Svondo rapera muporofita uyu akapa chikonzero chekuti pakaenda Kwayedza uku haina kutaura nemweya asi nemunhu wenyama izvo “zviri kunonotsa chitunha kumuka”.
Zvisinei, svondo rino Madzibaba Mikrage vakati vachiri kumirira ngirozi ine dare rekumutsa mufi uyu.
“Sekutaura kwandakaita nemi, zvinhu zvaMwari zvinonetsa. Mweya uri kuti ngirozi yakamirirwa ichasvika munguva pfupi iyo ichasvikozivisa kuti munhu uyu anomuka here kana kuti kwete,” vanodaro Madzibaba Mikrage.
Svondo rapera murume uyu akatsenga-tsenga mukanwa zvakare paakabvunzwa neKwayedza pamusoro penyaya yaakavimbisa vanhu vaichema parufu iyi.
Vava kuziva nezvenyaya iyi vanoti muporofita uyu ndewe manyepo uye ari kupedzera vanhu nguva achivimbisa zvinhu zvisingaitike.
Vamwewo vanoti dai ambonoongororwa pfungwa dzake.




