‘Ndaidyiswa tsvina yemunhu’

Gabriel Singano

MUMWE murume anoti akasiyana nemudzimai wake nechikonzero chekuti aimudyisa chikafu chaanenge asanganisa netsvina yemwana wavo mucheche.Tapiwa Chihoro akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naAnna Matenga achiti anogara achimurova pamwe nekumutuka.

Matenga akaudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Changamire, murume uyu anondishungurudza achiti ndinopa hama dzake chikafu chine tsvina yemwana uye anogara achindiudza kuti ini handidi hama dzake. Pari zvino takatosiyana asi akasangana neni anoda kundirova achinditi waindidyisa tsvina yemwana. “Upenyu hwangu hwava panguva yakaoma nekuti haadi kundiona ndichizvifambira, kunyangwe neshamwari dzechirume dzemumaraini dzandakakura nadzo.”

Chihoro akaudza dare kuti haashungurudze Matenga uye akasiyana naye nekuti aimudyisa chikafu chaainge asanganisa netsvina yemwana wavo.

“Mukadzi uyu neni takasiyana nekuda kwehunhu hwake hwekutidyisa chikafu chaaiisa tsvina yemwana. Takamubata achiita hunhu uhu uye ainyanya kuzviitira kuhama dzangu,” akadaro Chihoro.

Chihoro akati haana dambudziko nekuti Matenga apihwe gwaro redziviriro.

Mutongi Siwardi akapa Matenga gwaro redziviriro.

Related Posts

Mutumbi wanhongwa mumugwagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemutumbi wemurume asina kuzivikanwa kuti ndiani uyo wakawanikwa mumugwagwa Elly kuKwekwe. Mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands Inspector Emmanuel Mahoko vanoti…

Mutupo Festival younza mimhanzi nekuzivikanwa pamberi

Munyori weKwayedza MUTUPO unogona kuvhura hurukuro, kubuditsa ukama nekushandura mutorwa kuva hama. Mwedzi waGumiguru uno, pfungwa iyoyo yekuve vemhuri imwe chete inenge iri pakati pedandaro paMhemberero yeMutupo (Mutupo Festival), iyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×