Mhosva dzinoparwa kuburikidza nedandemutande: cyber-crimes

RUZIVO rwechizvino-zvino rwave matiri nokudaro nzira dzechinyakare idzo vanhu vaishandisa mukufambisa mashoko dzakaparadzwa nekuda kwemasai-sai eInternet (dandemutande). Pasi rose iye zvino rabatanidzwa nekuda kweruzivo rutsva urwu.Asika, kune zvakaipira dandemutande apo mhosva zhinji dzakadai sekubirwa nezvimwe dziri kuparwa kuburikidza nedandemutande.

Dzimwe mhosva idzi dzinosanganisira kusvibisana mazita nehunhu, kutukana, kubirana, kuonesana zvinyandzi, kusvereredzana nezvimwe zvakaipa.

Kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino mukufambisa mashoko kwakadai seWhatsApp, Facebook neTwitter kuri kubatsira zvikuru mukuwanda kwekuparwa kwemhosva idzi.

Unogona kunge uri mumwe akashungurudzwa kuburikidza nedandemutande, somuenzaniso mifananidzo yevanhu iri kushandiswa iine mashoko emanyepo nezvinyadzi.

Izvi zviri kukonzera kurasikirwa neupenyu nekuda kwenyadzi, vamwe vachigumisira vazvisungirira. Zvakare, kuuya kweruzivo rwutsva urwu hakuna mitemo yakasimba iri kucherechedza kufambiswa kwemashoko.

MuZimbabwe, hatina mutemo chaiwo unoona nezvemhosva dzinoparwa kuburikidza nekufambisa mashoko padandemutande izvo zvinoita kuti vapari vemhosva vawanikwe vachipukunyuka. Zvichemo zvakaitwa kuti Hurumende idzike mitemo inochengetedza vanhu mukushungurudzwa nenzira yedandemutande asi hapana chati chaitwa.

Dzimwe nyika dzakadai seSouth Africa neZambia dzakadzika mitemo inochengetedza vanhu panyaya yekufambiswa kwemashoko padandemutande pamwe nekuranga vapari vemhosva. Nyika idzi dzine zvirongwa zvakare zvinodaidzwa kuti Computer Incidence Response Teams (CIRTS) nenzira dzinocherechedza kuparwa kwemhosva.

Mutemo wedu weCriminal Law (Codification and Reform) Act (Chapter 9:23) unorwisa nyaya dzinodyidzana nekushandiswa kwemakombiyuta mukuparwa kwemhosva asi vashoma vari kusungirwa mhosva idzi. Pasi pemutemo weSection 162 to 168 of Chapter 8 of the Criminal (Codification and Reform) Act newePostal and Telecommunications Act (Chapter 12:05) imhosva kufona uchityisidzira munhu, kutumira mashoko ezvinyadzi kana kuti ekutukirira.

Asi vapari vemhosva dzakadi vazhinji vari kuwanikwa vachipukunyuka nekuda kwekuti mitemo iyi haisi kusimbaradzwa.

Boka renyika dzeCommon Market for Eastern and Southern Africa (COMESA) rakakumikidza mitemo inodzivirira nyaya dzekubirana kuburikidza nedandemutande nemakombiyuta.

MuZimbabwe tichiri kumashure nekuda kwekunonoka kupinda kweruzivo rwechizvino-zvino. Zvakakosha kuti Hurumende – kuburikidza nebazi rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, posvo nedzinhare – ione kuti patorwa matanho akasimba ekuona kuti mitemo inochengetedza veruzhinji kuburikidza nekufambiswa kwemashoko padandemutande yasimbaradzwa.

Hurumende inofanira kutora matanho ekurwisa kuparwa kwemhosva dzerudzi urwu uye kusimbaradza mitemo nekukasika.

 

. Chinyorwa chino chakabva kuna Fourie Revai (Access to Justice Department), Zimbabwe Women Lawyers Association (ZWLA).

. Kana muine mibvunzo nezvimwe zvamungade kuziva tumirai padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]> kana panhamba dzeWhatsApp dzinoti 0777 828 201, tinokubatsirai

Panyaya dzemhirizhonga tifonerei panhamba dzinoti 08080131: hotlines 0776736873 kana 0782900900

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×